Kondakita wekombi apondwa nevarume 4

Kingstone Mapupu

MURUME aishanda sakondakita wekombi kuMberengwa akapondwa nevamwe varume vana (4) mushure mekunge vanetsana apo vakaramba kubhadhara mari yekutakurwa kwavaive vaitwa.

Nyaya iyi inonzi yakaitika pachiteshi chemabhazi chepaGanga Bus stop mumugwagwa weMpandashango -Mberengwa nemusi wa22 Gumiguru.

Akafa ainzi Munemo Moyo aibva kwaSabhuku Majasi kudunhu raMambo Maziofa kwakare kuMberengwa.

Anonzi nemusi uyu, aiva kubasa kwake achifamba nemotokari yerudzi rweNissan Caravan yaityairwa naStanley Masuku (30) vachitakura vanhu kubva panzvimbo yemabhizimisi yeMpandashango.

Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands vanoti vaviri ava vakatakura varume vana nekombi yavo pachiteshi chekwaMambo Maziofa apo vaienda kunzvimbo yeMberengwa Business Centre.

“Kondakita uyu nemutyairi wake vava kusvika pachiteshi cheGanga Bus Stop, varume vana ava vakabva vataura kuti vaida kuburuka ndokubva vaziviswa kuti vabhadhare mari yekukwira kombi izvo vakabva varamba. Izvi zvakaita kuti vashandi vekombi iyi nevarume ava vatange kukakavadzana vachinzi vabhadhare mari yekukwira kombi,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti varume vana ava vakabva vatanga kurova Munemo naMasuku vachishandisa zvibhakera vachivakutsirana senzira yekuvamanikidza kuti vavasiye vachiburuka vasina kubhadhara mari yekukwira kombi.

“Mumwe wevarume ava akazotora bhodhoro redoro achibva aripwanya ndokubaya naro Munemo pamutsipa uyo akabva apunzikira pasi ndokubva angofira ipapo. Varume vana ava vakabva vatiza ipapo vaona kuti vakanga vapara mhosva,” vanodaro Insp Mahoko.

Vatatu vevarume ava vakazivikanwa nemazita ekunzi Tears Mutahwa, Mernard Mtombeni, naAdminister Mtombeni, vose vanobva mumusha waSabhuku Feyina kwaMambo Maziofa kuMberengwa.

Mumwe murume wechina haasati azivikanwa.

“Tiri kukumbira kuruzhinji vanoziva kune varume ava kuti vazivise mapurisa vakwaniswe kusungwa. Ngavaende chero kumapurisa ari padyo navo. Nyaya dzekupondana dziri kuwanda kudunhu redu reMidlands,” vanodaro Insp Mahoko.

Kune vane zvavanoziva munyaya iyi, ngavaridze nhare panhamba dzinoti 054221073 kana 0778 069 322.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×