Korfball Under-23 hutu Joni

CHIKWATA cheZimbabwe Korfball chemuboka reUnder-23 chiri mushishi kuita gadziriro dzekuenda kunokwikwidza kumutambo weKorfball Under-23 African Championships kuSouth Africa muna Chikunguru.

Mutambo uyu uchatambwa kutanga musi wa8 Chikunguru uchizopera musi wa11.

Zvikwata zvisere zvinotarisirwa kuzokwikwidza apo pachaona shasha dzichihwiniswa tikiti rekuenda kumakwishu eInternational Korfball Federation World Cup gore rinotevera.

Zvakadaro, World Cup yemaUnder-23 haisati yave kuzivikanwa kuti ichatambirwa kupi gore rinotevera sezvo nyika mbiri dzinoti Netherlands neBelgium dzose dzakabuda pachena kuti dzinoda kuti mutambo uyu ugotambirwa kunyika kwadzo.

Mutungamiriri weZimbabwe Korfball Federation, Tarirai Chadebah, anoti chikwata chavo chiri kugadzirira zvakasimba mutambo uyu.

“Tiri kutobata basa sebasa nekuti tiri kuda kutora menduru yegoridhe chete apo tichaenda kunokwikwidza kuSouth Africa.

“Tine mukana wekunokwikwidza kumutambo weWorld Cup gore rinotevera saka tichanorwa semvumba asi tinoziva kuti zvichange zvisiri nyore.

“Tiri kusangana svondo rega-rega tichiumba chikwata chedu zvakasimba. Takambopinda mukembi kare tikabuda apa tinotarisira kuzosangana kekupedzisira musi wa30 Chikumi apo tichapinda mukembi kekupedzisira tisati taenda kumutambo uyu,” akadaro Chadebah.

Kunze kweZimbabwe, mutambo uyu uchange uine zvimwe zvikwata zvakaita seSouth Africa, Malawi, Botswana, Zambia neNamibia. Parizvino hazvisati zvave kuzivikanwa kuti Ghana neIvory Coast dzichabudirira kukwikwidzawo here.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×