‘Varimi vadiki vanoda kutsigirwa’

MUNYORI mukuru mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet, Dr Misheck Sibanda, vanoti varimi vadiki vane mikana yekusimudzira goho rechibage kana vakawaniswa rutsigiro rwakazara.

Vakataura mashoko aya svondo rapera muguta reHarare pakuparurwa kwechirongwa chinokotsverwa nenyika yeKorea chekusimudzira mabasa ekurima che3rd General Assembly of the Korea-Africa Food Agriculture Co-operation Initiative.

Dr Sibanda vakati kana varimi vadiki vakawaniswa mbeu kwayo nenguva zvinobatsira kuti vange vachibura goho guru rinoita kuti munyika muve nekudya.

Vakatenda zvikuru chirongwa cheScientific and Industrial Research and Development Centre’s KACACI Project icho chine chinangwa chekusimudzira nyaya dzekurima.

“Tinofara zvikuru nemushandirapamwe wakaitwa mwaka wadarika neKAFACI mukusimudzira varimi vadiki mukurimwa kwechibage nesoya bhinzi. Mabhindauko aya akasimudzira goho munzvimbo dzakadai seHwedza,” vakadaro.

Dr Sibanda vakati mabhindauko erudzi urwu anotambirwa zvikuru muAfrica, kunyanyanya muZimbabwe sezvo achienderana nechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika cheZim-Asset.

“Zim-Asset ine donzvo rekusimudzira kuwaniswa kwechikafu chine utano.

‘‘Tiri kufambirana nechirongwa ichi kuburikidza nekuita tsvakurudzo mudzidzo yemhando yepamusoro,” vakadaro.

Vakatenda zvakare sangano reSIDR nekuunza mhando yembeu yechibage inoshingirira muzuva yeSirda 113.

“Tinopa kutenda kuSouth Korea kuburikidza neKAFACI mukutsigira kwairi kuita Zimbabwe neruzivo rwunoita kuti tinge tichikunda matambudziko ekusanduka kwemamiriro ekunze ayo anodzorera kumashure nyaya dzekurima,” vakadaro.

Mutevedzeri kuhofisi inoona nezvekusimudzirwa kwemaruwa kuKorea, Dr Ra Seung-yong, vakati kusanduka kwemamiriro ekunze kuri kudzikisira goho nokudaro varimi vanofanira kushandisa ruzivo rwechizvino-zvino kuti vaderedze kurasikirwa uku.

“Tiri kudzidzisa varimi vadiki nzira kwadzo dzekurima dzinoita kuti vasarasikirwe negoho kana zvipfuyo zvavo nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze. Nzira idzi dzinosanganisira kutevedzera mashoko anobva kunyanzvi dzinoona nezvemamiriro ekunze kuti varimi vagare vakagadzirira matambudziko anogona kuuya nenzira dzakadai semafashamu, kupisa kwakanyanya kana kutonhora,” vakadaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×