Korfball yotsvaga vakotsveri

Abel Ndooka
CHIKWATA chenyika chekorfball muboka reUnder-23 icho chinotarisirwa kuenda kunokwikwidza kuSouth Africa mwedzi unotevera kumutambo weInternational Korfball Federation African Championships and World Qualifiers chiri kutsvaga rutsigriro kuvakotsveri kuti vachibatsire nemari yekuti rwendo urwu rubudirire.

Achitaura akamirira Zimbabwe Korfball Federation, Tarirai Chadebah, anoti sangano ravo riri kumhanyisana nenguva kutsvaga mari yekuenda kumakwishu aya.

MaU23 anofanirwa kusimuka musi wa6 Chikunguru achienda kumutambo uyu uyo unochatambwa kutanga musi wa8 Chikunguru kusvika musi wa11.

Parizvino chikwata ichi chiri kusangana svondo rega-rega muHarare uye sangano reZKF rinotarisirwa kuzozivisa vatambi vachenda kumutambo uyu masvondo anotevera.

“Zvinhu zvakasunga panguva ino nekuti mari hapana, vakotsveri vatiri kumbokurukura navo vose vari kungochema-chema.
‘Tiri kutsvaga rutsigiro rwemari yekuti tikwanise kuenda kuSouth Africa takasimba sechikwata.

‘Tinoziva kuti tichaenda hedu asi kuti tiende zvisina mutsuru-tsuru panofanirwa kunge paine vamwe vakamira nesu vachitibatsira mubasa redu,’ akadaro Chadebah.

Mutambo uyu uchange uchishandiswa zvakare nezvikwata zvose kurwira tikiti rekuenda kumutambo weIKF World Championships uyo uchatambirwa kuEurope pakati penyika yeBelgium neNetherlands gore rinotevera.

“Chishuviro chedu ndechekuti tinohwina kuSouth Africa nekuti zvinotibatsira kuwana mukana wekuenda kunokwikwidza kuEurope gore rinotevera uye zvichizosimudzira mutambo uyu muno,” akadaro Chadebah.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×