‘Zvakakosha kubatsira varimi’

Malven Mugadzikwa
VARIMI vechidiki pamwe chete nevari kusimukira vanoda rutsigiro rwakanyanya kuburikidza nekuwaniswa zvekushandisa zvakaita sembeu nefetereza pamwe neruzivo sezvo vakawanda vavo vari kusangana nezvigozhero mukurima kwavo. Vachitaura pamusangano wavakaita nevarimi vefodya kuNyamakate, kuHurungwe nguva pfupi yadarika, VaCephas Rukweza avo vanova sales and origination manager kukambani yePremier Tobacco Auction Floors vakati zvakakosha kuti varimi vawaniswe zvekushandisa zvakakwana mumabasa avo.

“Vamwe varimi havasi kukwanisa kurima nzvimbo dzavakapihwa dzose nenyaya yekuti vanenge vasina mbeu nefetereza pamwe chete nezvekushandisa zvakakwana. Varimi vakadai vachiri kuda rubatsiro rwakanyanya kuburikidza nekukwereteswa zvekurimisa vozobhadhara pavanenge vakohwa zvirimwa zvavo,” vakadaro VaRukweza. Vanoti kambani yavo iri kubatsira varimi vari kumatunhu mana enyika nekuvapa zvikwereti.

Zvakadaro, VaRukweza vanoti zvakakosha kuti varimi vakohwe fodya yavo pamwe nekuipeka mumabhero sezvinotarisirwa nevatengi kuti vasazosangana nematambudziko pakuitengesa kumisika.

“Varimi vazhinji vachine dambudziko iroro rekusagona kuronga fodya zvinova zvinoita kuti kana vasiri muchirongwa chekubatsirwa nemakambani checontract farming fodya yavo isatengwa zvakanaka pamusika. Contract farming yakanaka nekuti varimi vanopihwa zvekurimisa zvose zvinodiwa zvinoita kuti pakupedzisira vabude vaine fodya yakanaka.

“Mufodya mune mari asi inoda varimi vanotora nguva yavo kuigadzira,” vakadaro.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *