‘Vana 15000 havana kudya kwakakwana’

Muchaneta Chimuka
GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti vana vanosvika 15 000 munyika yose havasi kuwana kudya kwakakwana kunovaka muviri izvo zviri kukonzera ndufu dzevamwe vavo. Vanoti Hurumende iri kutora matanho ekugadzirisa dambudziko iri kuburikidza nekuona kuti vana vawaniswa kudya kune utano.

Dr Parirenyatwa vakataura mashoko aya svondo rapera pamhemberero dzezuva reWorld Milk Day, vari paChitungwiza Central Hospital, apo mamwe makambani akabatsira varwere, zvikuru kuwadhi revana, nemukaka uye zvinhu zvinogadzirwa kubva mumukaka pamwe nekufundisa vanhu nezvekukosha kwawo.

Dr Parirenyatwa vanoti mukaka wakakosha zvikuru nekuti unoderedza kufa kwevana nekuda kwekushaiwa kudya kune utano.
“Ndufu zhinji dzevana dziri kukonzerwa nekuda kwekushaya kudya kunovaka muviri uye vana 15 000 vakaondoroka nekuda kwekushaya kudya kune utano. Izvi zvinoreva kuti pasi rose tiri kurasikirwa nevana 3 miriyoni pagore.

“Kana vana vakashaya kudya kunovaka muviri panova nemikana mizhinji yekuti zvive nyore kubatira zvirwere vachinonoka kupora uye havakure zvakanaka,” vakadaro Dr Parirenyatwa.

Vanoti zvakakosha kuti Hurumende itsigire zvirongwa zvine chekuita nekuwaniswa kwemukaka kumhuri dzinotambura.
“Mumukaka mune kudya kwakakosha mukukura kwevana, semaprotein anobatsira vana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa, madzimai akazvitakura nevarwere. Munowanikwa zvakare calcium, magnesium nephosphorus izvo zvinobatsira mukusimbisa mazino nemabhonzo,” vakadaro.

Vakakurudzira vari mumabhizimisi emukaka kuti vatevedzere mitemo pakugadzira mukaka kuti usakanganise utano hwevanhu.
“Kune mitemo inofanira kutevedzwa pakugadzira mukaka nekuti utano hwevanhu ndihwo hwakakosha uye vatengi havafanire kungotenga mukaka pose-pose nekuti unenge wakachipa sezvo zviine njodzi. Kune vachengeti vemombe kana zvimwe zvipfuyo zvinotipa mukaka munofanira kuita zvinhu zvisingasvibisi nharaunda sekushandisa ndove iyoyo mukugadzira moto wemagetsi, webio-gas.”

Dr Parirenyatwa vanoti pasi rose, vanhu vanosvika 750 miriyoni vari kuita mabhindauko ekugadzira mukaka uye munyika dziri kusimukira chikamu ichi chinogona kukwira kuenda pa25% mugore ra2025.

Vanoti vakawanda vevarimi vadiki vari mubhizimusi remukaka vanoita mari nekukasika uye pagore Zimbabwe inowana marita 54 miriyoni emukaka.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, chamangwiza weChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vakatenda makambani akatsigira chirongwa ichi pachipatara chavo nekubatsira kwavakaita varwere nemukaka uye zvimwe zvigadzirwa zvinobva mumukaka seyogati neice-cream.

Vakati mukaka wemombe unopa calcium nechikamu chiri pakati pe22 kusvika pa29% iyo inova yakakosha muutano hwemunhu.
Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pendingindira rinoti: “Hapana Chingwa neMajarini zvisina mukaka” (No bread and butter without milk).
Mamwe emakambani akatsigira chirongwa ichi anosanganisira Zimbabwe Dairy Industry Trust, Dendairy, Kefalos, Alpha and Omega neNestle.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×