Koshesai mutauro waamai: President

PRESIDENT MUGABEMUTUNGAMIRI wenyika, President Mugabe vanoti zvakakosha kuti munyika muve nenyanzvi dzinodzisa mitauro yerurimi rwaamai muzvikoro sezvo ichiita kuti pave nehumwepo pamwe nekuti munhu anzwe manyukunyuku ekuti chizvarwa cheZimbabwe.
President Mugabe vakataura mashoko aya muHarare svondo rapera apo vaiparura chirongwa chakananga kusimudzira ruzivo nemashandiro evarairidzi, cheCapacity Development Programme for Teachers.

“Zvakakosha kuti tive nenyanzvi dzevarairidzi mukudzidzisa mitauro. Bumbiro remutemo redu rinocherechedza mitauro 16 izvo zvakasiyana nenguva yatakange tisati tawana kuzvitonga kuzere apo mitauro yedu yerurimi rwaamai yakange isingakosheswe muzvidzidzo zvekuchikoro,” vakadaro President.

“Kuburikidza nekudzidzisa mutauro, munhu anokwanisa kukurudzira humwepo pamwe nekudada nenyika yake.”
President Mugabe vakati vane chokwadi chekuti chirongwa ichi chichaita kuti kudzidziswa kwerurimi rwaamai kusimudzirwe muzvikoro.

Vakarumbidza bazi redzidzo yepuraimari nesekondari pamwe neredzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemishina nekukoshesa kwaari kuita dzidzo yemitauro.

President Mugabe vakati mitauro inzira yakasimba inoshandiswa mukupangana ruzivo rwetsika nemagariro pamwe nezvitendero.

Chinangwa chikuru chechirongwa cheCapacity Development Programme for Teachers ndechekuti vadzidzisi vawane mikana yekuzvisimudzira mudzidzo yavo, izvo zvinozoita kuti pave nekubudirira kukuru muchikamu chedzidzo munyika.

President Mugabe vakati chirongwa ichi chinofanirwa kuita kuti pavezve nevadzidzisi veMathematics neScience vanokwanirana munyika. Zimbabwe pari zvino iri kuda varairidzi veMathematics neScience vanosvika 1 500.

President Mugabe vakati vanozviziva kuti mamiriro ezvimwe zvivakwa zvezvikoro kune mamwe mapurovhinzi haana kunaka ndokuti mamwe makamuri ekudzidzira pamwe nedzimba dzinogara varairidzi zvinoda kuvandudzwa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×