‘Zvakakosha kupa vana zvekudya vari kuchikoro’

CHIRONGWA chehurumende chekubatsira vana vanoshaya nezvekudya zvekututsira kuzvikoro zvepuraimari cheSupplementary Feeding Programme chinobatsira zvikuru kuti vana ava vauye kuchikoro pamwe nekuti vadzidze vakasununguka izvo zvinoita kuti vabudirire muzvidzidzo zvavo.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, svondo rapera mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri wevanhu vanorarama nehurema (Disabled Representative) Senator Annah Shiri.

Sen Shiri vaida kuziva kana hurumende iine hurongwa hwekuvamba chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro, zvikuru veECD, zvichitevera kumiswa kwachakamboitwa.

“Kuwaniswa kwezvekudya kuzvikoro inzira yakasimba yekusimudzira huwandu hwevana vanoenda kuchikoro, vanoramba vari pachikoro pamwe nekupedza chikoro.

“Hurongwa uhu hunoita zvakare kuti vana vadzidze zvakanaka, kunyanya mukubudirira mudzidzo yavo uye hunobatsira zvikuru kunherera nevamwe vana vanoshaya apo vanenge vachiri kutanga kuenda kuchikoro,” vakadaro Cde Dokora.

Vakati izvi ndizvo zvikonzero zviri kuita kuti bazi ravo ribuditse pachena kukosha kwechirongwa ichi pamwe nekuchisimbisa.

Cde Dokora vakati nekuda kwekukosha kwekupa vana zvekudya kuchikoro, hurumende inopa mari kubazi ravo kubva kuhomwe yenyika yekufambisa chirongwa ichi.

Gore rino, vakadaro Cde Dokora, bazi ravo pabhajeti renyika rakapihwa $1 860 000 yekuti vana vanoshaya nenherera vakwanise kuwaniswa zvekudya kuzvikoro.

Asi mari iyi haisati yaunzwa kubazi ravo kuti ishandiswe nekuda kwekumira kwakaita nyaya dzeupfumi muZimbabwe.

“Nezvikoro 8 179 zvirimo munyika apo 5 300 zviri zvepuraimari, Hurumende yoga haikwanisi kuti inge ichipa zvekudya kuvana vepuraimari nesekondari panguva ino.

“Nekudaro, bazi redu riri kukumbira mamwe mapoka kuti abatane neHurumende mukusimudzira chirongwa ichi, zvikuru kuvana vadiki padanho reECD A, B (Grade 1 ne2),” vakadaro Cde Dokora.

Vakati chirongwa ichi chakatangwa zvakare kunzvimbo dzakaita seButabubili, kuTsholotsho uye kurudziro iripo ndeyekuti makambani anoita nezvemukaka abatsire.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×