‘Koshesai zvidzidzo zvetsika nemagariro’

ZVIKORO zvinofanira kukoshesa zvidzidzo zvemitambo, tsika nemagariro sezvo zvichibatsira mukuumba hunhu hwakanaka muvana izvo zvinozovapa gwara rakajeka mune remangwana.

Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika naMai Spiwe Jiri, avo vanove Culture and Development Officer kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari mudunhu reHarare, apo vaitaura vari paGlenford Junior Academy paipembererwa zuva reCulture Day.

“Vana vanofanira kuziva tsika nemagariro nekuti zvinovagadzirira ramangwana rakanaka. Mutauro wedu weShona ndeimwe nzira yekuchengetedza tsika nemagariro edu. Hakusi kugona chiRungu chete kunoita kuti munhu awane basa rakanaka mune ramangwana rake.

“Bazi redu riri kukurudzira izvi sezvo mukuvandudza tsika nemagariro munobuda zvimwe zvipo zvinopa vana raramo,” vakadaro Mai Jiri.

Tsika dzeduwo zvakare tiri kuona kuti dziri kurasika chero nekuchikafu chatinodya chaicho.

“Vana havachazivi chikafu chose chaidyiwa nevakuru vekare. Vanofarira kukura vachiziva tsika dzavo uye kudzidziswa vachiri vadiki

kuti zvikure zviri mavari,” vakadaro.

Mai Elreen Midzi, avo vanova ECD Cordinator kuHigh Glen District, vakatsinhirawo vachiti vana havafanire kuzoita tsika dzekudzidzira padzinenge dzichifanira kuitwa asi kuti vakure zviri mavari.

“Mazuva ano vana vave kuita ma ‘extra lessons’ etsika chaiwo. Unoona mwana kana ava kuda kuenda kunoroorwa ndipo paanotanga kudzidziswa zvinoitwa nemuroora nemapfekero chaiwo. Ndipo paanenge ava kunzi ‘usazotinyadzisa kwaunoenda’.

“Ndizvozvo nemundufu chaimo, vanhu havachaziva kuti zvinofambiswa sei patsika dzechivanhu. Tsika, mitambo nemagariro edu ndizvo zvinoburitsa hunhu hwedu.

“Kuti izonzi nyika yeZimbabwe itsika nemagariro evanhu vemo. Zvakakosha kuti vana tivarovedzere kutsika dzedu vachiri kuyaruka, kunyanya ivava vekuECD,” vakadaro Mai Midzi.

Mukuru weGlenford Junior Academy, Mai Martha Chipare, vakakurudzirawo vabereki kuti vaendese vana kugwaro reECD.

Pazuva iri vana vakaratidzira mitambo yakasiyana yetsika nemagariro.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×