DETEMBA TINZWE: JENAGURU

naRegretius Chiroodza

Hewo mwedzi wagara padondemara

Toyeva mudenga wakanyatsotenderera

Mwenje wawo unopenya panyika wafararira

Isu pasi pano toufarira.

Namaziso masvinu panyika wodongorera

Saamai vanorera mhuri

Rwavo runako haruna rondedzero

Kwawakabva hakuna fungidziro.

Sechimumumu wotiyeva.

Chaunofunga isu hatichizive.

Chiso chawo chinorakidza kufara kukuru

Uye njere nendangariro huru.

Rima rousiku wopenzenura

Nyika yedu wovhenekera

Pane njodzi topaona

Munjodzi norufu topona.

Ngoma toridza, dzimbo toimba pajenaguru

Tichitariswa neziso uye mwenje waMambo mukuru

Mashavi totamba, midzimu topira

Tichitungamidza neziso rousiku, jenaguru.

Muchadenga wopumhaira

Somwana okambaira

Zvishoma wopfuura nyenyedzi

Gwara uchiratidza neyawo nhungamiri.

  • Regretius Chiroodza ari muGrade 7A paZengeza 8 Primary School, kuChitungwiza.

MAONERO:

Ndine nguva dzandinoti ndikaverenga nhetembo, ndotarisa zera remwana anyora, ndobva ndagutsikana kuti ishasha, ndokunge asina kunyorerwa nemunhu mukuru. Mwana uyu anyora nhetembo yakarongeka, uye inoshandisa mutauro nenzira inoratidza hunyanzvi nekunzwisisa mutauro kwakadzamisisa.

Ndanyanyofarira kujekesa kana kuti kugadzira mifananidzo mupfungwa kwaari kuita nejenaguru kubudikidza netsananguro. Uyewo, nhetembo yake inoita kunge chimbo, zvekuti ndine chokwadi kuti kana ukainzwa ichidetembwa nemuridzi wayo, inoyerera sehuchi.

Rega tipinde munhetembo yacho tinzwe. Izwi rawashandisa rekuti padondemara rinoreva kuzorora kana runyararo, asi ndinoriziva richinzi “dendemaro” kana kuti “kudendemara.” Saka imboritarisa zvakare kuti chiperengo chako nemashevedzerwo arinoitwa ndizvo here.

Asi mundima iyoyi yekutanga, ndimo maita kuti ndikuomberere mawoko nekuti mashandisiro awaita hochekoche, mutinhimira nemabvumira wandikandisa mapfumo pasi. Wazvishandisa nenzira inonyatsoburitsa runako rwemazwi, asi pasina kurasa zvauri kuda kutaura. Iroro ndiro dambudziko rinowanzoitika kana vanhu vakange vachimanikidzira kuti nhetembo iite mabvumira nemutinhimira.

Washandisawo enzansio nenzira yakanaka chose, uchiratidza kuti hausi kungotaura kuti nhetembo yako ingoenda kumberi, asi kuti iburitse zvishamiso zvemwedzi. Wati, “saamai vanorera mhuri,” kwandiri chanyanya kubuda apa rudo, tsitsi nehunyoro. Wazotiwo zvakare, “Sechimumumu wotiyeva,” apa waburitsa kushamisa kunoita mwedzi usina zvawo chaunotaura asi uchitiona mukunyarara ikoko.

Mazwi ako akadzama. Ndikatora semuenzaniso izwi rekuti kupumhaira, rabva mumutsara unoti, “Mudenga wopumhaira.” Kupumhaira kufamba, asi kufamba kunenge kwekungoenda usina kwauri kuziva. Aya mazwi asisashandiswe zvakanyanya nevatauri vechiShona mazuva ano, asi achireva zvakadzama.

Regretius, unogona zvikuru zvekuti ndine chokwadi chekuti kana ukange uchinyora nenzira yakadai, kana paGiredhi 7 ipapo uchaita 1 kuShona. Ramba wakadaro.

. [email protected]

Related Posts

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×