Kubara mhuka: Kumwe kwakamboitika

CHIPUKA chinonzi chakazvarwa nembudzi kuGweru muna 2009.
CHIPUKA chinonzi chakazvarwa nembudzi kuGweru muna 2009.

Muchaneta Chimuka
ONGORORO yakaitwa neKwayedza padandemutande inoratidza kuti zvinogona kuitika kuti munhukadzi azvare chimhuka chakaita segudo, mbudzi kana nyoka. Kana mhukawo dzinokwanisa kubereka zvinhu zvinoshamisa, zvimwe zvakaita sevanhu. Muno muZimbabwe, kuGweru uye mugore ra2009, pane mbudzi yakazvarwa chinhu chaive nechimiro chemwana wemunhu.

Mbudzi iyi nemwana wayo zvakazouraiwa nevanhu vakange vakagumbuka vachiti akange ari mashura. Vamwewo ndivo vakave nefungidziro yekuti zvichida pane munhu akashinha nembudzi iyi.

Kunzvimbo yeJahun, Jigawa State, kuNigeria, mumwedzi waGunyana mugore ra2013, mumwe mudzimai anonzi akazvara mwana aive nemusoro wemunhu, asina huro uye kumakumbo achiita kunge mbudzi.

Vana chiremba veko vanonzi havana kukwanisa kududzira kuti izvi zvakakonzerwa nei zvinova zvinofungirwa kuti vakaita izvi vachida kuedza kuchengetedza chimiro chechipatara uye nyakuzvara wacho.

Kunyika iyi zvakare, mumwe mudzimai anonzi mumwedzi waChivabvu gore rapera akazvara nyoka yaive nemisoro minomwe. KuIndia zvinoitikawo, kunonziwo mumwedzi waZvita 2013 mumwe mukadzi akazvara mwana aive nemutumbi wose wainge wakafanana newembudzi.

Mugore ra2014 kuSouth Africa, mombe, iyo inofungirwa kuti yakashinha nemunhu, yakabereka mhuru yaive nechimiro chemunhu, iine sikarudzi mbiri – yechikadzi neyemurume.

Hurumende yenyika iyi yakati mhuru iyi iende kunoongororwa nevebazi reVeterinary kuti paonekwe honzeri.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×