Makarwe akabvutidzana mwana

VAFUNGAI Magumise naVaKefas Guyavha vachitaridza guva raJames Guyavha. - Mifananidzo: Memory                              Mangombe
VAFUNGAI Magumise naVaKefas Guyavha vachitaridza guva raJames Guyavha. – Mifananidzo: Memory Mangombe

Kingstone Mapupu
VAGARI vekuTsakare, kuMt Darwin, vakasara hana dzavo dzizere nekutya uye kurwadziwa apo vakaona mumwe mwana wemakore 11 okuberekwa achiuraiwe uye mutumbi wake uchibvutidzanwa nemakarwe maviri murwizi. Mwana uyu anonzi akatorwa negarwe apo aive nevamwe vake panodira rwizi Dora munaRuya.

Munyaya imwe chete iyi, pane mashoko asina kutsinhirwa anoti kune mumwe murume weuku, kupurazi rekwaKabhareta, akazorasika njere mushure mekunge adya nyama yemuswe werimwe remakarwe akauraya mwana uyu, apo rakauraiwa.
Mwana uyu, James Guyavha, ndiye anonzi akafa mushure mekutorwa negarwe.

Baba vemushakabvu, VaKefas Guyavha (63), vanoti vakashamiswa zvikuru apo vaitsvaga mwana wavo apo akatorwa negarwe ndokuzoona makarwe maviri achirwidzana mutumbi wake.

“Mwana wangu akabatwa negarwe apo vaibva nevamwe vake kupurazi rekwaKabhareta kumafaro. Vana ava vaiva vashanu apo vakatanga kuyambuka rwizi rwaDora mvura ichisvika mutsapfu dzavo.

“Zvisinei, mwana wangu anonzi akazoda kupfeka bhutsu vachangoyambuka, ndipo paakadirwa mvura kumeso achibva apunzika ndokubatwa negarwe. Anonzi akachema apo vamwe vake vaitiza,” vakadaro VaGuyavha.

Parakabata mwana uyu, garwe iri rinonzi rakamudhonza kunosvika panodirira rwizi Dora munaRuya.
“Vamwe vana vakazouya vachitaura kwatiri, isu ndokumhanya zvisinei kuti kunze kwakanga kwadoka. Takatanga kutsvaga kudzimara tarega. Mangwana acho takaenderera mberi, ndokuzoona makarwe maviri kumahombekombe kwerwizi achirwira mutumbi wemwana uyu. Rimwe rainge rakatoita zvekutsitsirira mutumbi kuti risatorerwe,” vakadaro.

VaGuyavha vanoti vakazorwisa makarwe aya ayo akatiza zvikaita kuti vakwanise kunyurura mutumbi wemwana uyu.
Pakawanikwa mutumbi waJames, unonzi wainge usisina gumbo rekurudyi.

“Inyaya inorwadza zvikuru nekuti mwana uyu aiva nemumwe wake mupatya, nanhasi semhuri hatisati tave kutambira zvakaitika izvi,” vakadaro.
Vanoti vashandi vebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority vakazouraya garwe rimwe chete ndokutakura mutumbi waro vakasiya muswe chete, asi rinonzi handiro rakabata mwana wavo.

“Zvemunhu anonzi ari kurasa njere nekuti akadya nyama yegarwe rakauraya mwana wangu handizvo. Ichokwadi kuti kune murume ari kurasika pfungwa uyo akatora muswe wegarwe rakauraiwa neveNational Parks ndokuudya, munhu akanga agara achirasa njere,” vakadaro.

VaGuyavha vasara nevana gumi zvichitevera kufa kwaJames. Mudzimai wavo, Mai Batsirai Tom (39), vanoti vakarwadziwa zvikuru nerufu rwaJames. “Ndine vana vanoyambuka rwizi zuva nezuva vachienda kuchikoro cheBembere Primary avo vanotaura kuti vanoona makarwe murwizi. Takavataurira kuti vapote vachidzoka kuchikoro kana vaona makarwe aripo, kureva kuti vana vave kupota vachirovha,” vakadaro.

Zvakadaro, VaGuyavha vanoti vanotenda zvikuru nhengo inomirira Bindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, avo vavanoti ndivo vakavatengera bhokisi ravakavigisa mwana wavo pamwe nechikafu chakadyiwa panhamo.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×