Kubatana nezvikirimbani

NDIRI kuda kutaura nezvekubatana. Kwete Kubatana kunonyorwa naK mukuru kwezita rebhawa kana rechikoro chiri kuFiyo, asi kumwewo kubatana. Kubatana kusiri kwekuti kana mukatishanyira tinokugashirai nekukupai zvekudya nezvekunwa nepekurara.

Kubatana kwandiri kuda kutaura nezvako, hakusi kubatana kweUnity, kana kubatana kwave kutaurwa nevakomana mazuva ano kwemusikana akabatana. Apa vakomana vacho vanenge vachireva kuti musikana akasvika kunge chibage chepachuru pachimiro, kwete pamwoyo kana hunhu.

Handisi kutaura kubatana kwezvinhu zvanamatidzwa pamwe chete – kubatana kwemajarini azorwa pachingwa nechingwa chacho, kana kwemari yekombi yabatanidzwa nevakagara pamwe chete. Zvakarewo, handisi kutaura kubatana kwekubatana kumeso – kunyengedzana.

Ndiri kutaura kubatana kwekubatana kunoita vanhu vachishandisa maoko avo. Asi handisi kutaura kubatana maoko kwevari parufu, vafirwa. Ndiri kureva kubatana kwekubatana miviri kwevanhu – asi kuri kubatana nenzira yakakodzera kana isina kukodzera.

Chandiita kuti nditaure nezvenyaya yekubatana iyi, inyaya yekubatana kwakaita ambuya nemukuwasha wavo vakabuda muKwayedza svondo rapfuura. Kubatana hakuna kuipa kana vanhu vanobvumirwa kubatana. Asiwo kubatana kwevanhu vanobvumirwa kubatana miviri yavo kune nzvimbo dzinoita kuti vabatane, kwete pese pese nguva dzese dzese sezvandinomboona vamwe vachiita mumapaki.

Saka nyaya yemuKwayedza yaiti mukuwasha akatora ambuya vake, mukadzi wehanzvadzi yemukadzi wake akadanana navo kwemwedzi gumi vachitoita zvese zvinoitwa nemurume nemukadzi vanodanana.

Vese vari vaviri vanotsigira kuti vanodanana, uye mukuwasha akanga achiti kana tsano vake vakaramba ambuya vake, iye aizovatora. Kwete kuti vagonogara vese samaiguru namainini natete vavo, nekuti mukuwasha akatorambana natete nekuda kwenyaya iyoyi.

Mukuwasha anoti ambuya vake ndivo vakamutanga nekuti vakanga vamuti haasi murume chaiye.

Saka kana munhu ukanzi hausiwe chaiye chaiye, unotsvaga kuita zvinoratidza kuti ndiwe wacho chaiye here? Jesu akanzi naSatani, “Kana uri mwanakomana waMwari, shandura mabwe aya chive chingwa,” asi Jesu nyangwe akanga ari mwanakomana waMwari haana kushandura mabwe kuita chingwa.

Hadzisi nguva dzese dzaunofanira kuita zvinhu kuti uratidze kuti ndiwe chaiye chaiye. Zvinangwa zvevanotitaudza zvakasiyana-siyana. Mumwe anotaura newe nekuti ari kuda kupima njere dzako, mumwe achida kukuteya mumambure.

Mukuwasha achitaura anoti, “Taitakura mishanga kumba kwaamai vatsano, apo ambuya vakanditi handisi murume akakwana vachinditi ndiri mwana mudiki.Vakazotanga kundirova mapendekete apo ndakazovakanda shoko vakabvuma. Takashinha kakawanda, handigone kuziva kuti kangani uye tisina kudzivirira. Kana nhumbu iri yangu ndichachengeta mwana, kana ambuya ava vakadzokera kumba kwavo ndinovatora voita mukadzi wangu . . .”

Mukuwasha akadyiwa nemunyati. Ambuya vakashandisa zvinhu zvitatu:

1. Kushora – varume havadi kushorwa, kunyanya panyaya dzine chekuita nekuratidza kuti varume chaivo.

2. Kudzikisira – kufanana nekushorwa, varume vanovhiringidzwa nekuda kwekudzikisirwa sezvakaitika pano kuti akanzi mwana mudiki.

3. Kubatwa kunozoita kuti vanhu vapedzisire vabatana inzira yekupfuyiwa, kuitwa chikukuvata.

Saka zvechokwadi mukuwasha akabva aratidza kuti mwana mudiki. Asiwo,

mukuwasha uyu anonzi muporofita! Muporofita wei? Muprofotita wehupombwe? Muporofita asina nyadzi dzekusiya mukadzi wake, achienda kunotora mukadzi watsano? Mwari waanonamata ndimwari upiko?

Hunhu kana hukabva mumunhu, munhu anosara ave chinhu. Mukuwasha uyu ngaarege kutinyaudza netsvina dzake achitaura zvekuti muporofita.

Hupombwe hauna nzvimbo muzvinhu zvedenga. Ityai Mwari muchengete mirairo yake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *