Mbavha yakaigochera pautsi

Muchaneta Chimuka
MBAVHA yekuChitungwiza yekuba nharembozha mbiri pane chimwe chitoro zuva rakacheka nyika yakaigochera pautsi zvichitevera kubatwa kwayakaitwa zvikaita kuti ipedzisire yakandwa mutirongo.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Lazarus Murendo, akapa Francis Washabunha (23) wekwaZinanga, kwaSeke, chirango chekugara mujeri kwemwedzi misere.

Akazomubvisira mwedzi miviri pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Mutongi akamubvisira zvakare mwedzi mumwe chete pachirango ichi nechitsidzo chekuti aifanira kuzoripira mumhan’ari, Venia Mudawarima (34), wepanhamba 22073 Unit G, Chitungwiza $65 yake.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa11 Zvita gore rino masikati, Washabunha akaenda paMabamba Complex pedyo neMakoni Shopping Centre, kuChitungwiza.

Akasvikopinda muchitoro chemumhan’ari achibva amutaurira kuti akange achida kutenga nharembozha ine WhatsApp.

Mudawarima akabva amutambidza nharembozha mbiri dzemhando yeNokia 5230 neSamsung M920 kuti asarudze yaangade kutenga.

Washabunha akabva atora mukana uyu kwave kutiza nenhare dziye izvo zvakaita kuti Mudawarima adaidzire kune veruzhinji vanove vakamubatsira nekutandanisa mbavha iyi kusvika vaibata vachibva vaiendesa kumapurisa.

Washabunha mudare akabvuma mhosva yekuba iyi asi nharembozha dzaakaba hadzina kuwanikwa. Akaudza dare kuti akadzishaya panguva yaakarohwa nechaunga mushure mekuba uku.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×