
CHEMBERE neharahwa dziri kuchema-chema kune veruzhinji kuti vavabate munharaunda dzavanogara nerudo kwete kuvapumha huroyi izvo zviri kuita kuti vamwe vavo vapedzisire vave kuchengetwa nevatorwa mumisha inogara vakwegura.
Kwayedza nguva yapera yakashanyira misha ine chitsama inochengeterwa vakwegura kumativi mana enyika ndokuona kuti vamwe vavo vakaendeswa kumisha iyi nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kupumhwa huroyi nehama dzavo, kunetsana nevaroora kana vana pamwe nekusemwa nekuda kwehurwere kana hurema. Mimwe yemisha yakashanyirwa ndeinoti Makoni Old People’s Home, kwaRusape, Idawokwako Old People’s Home iri kuMarondera, Melfort, Zororai neMutikizizi yekuBikita.
Muongororo yakaitwa neKwayedza zvakabuda kuti vanhukadzi vakawanda vari kuchengetwa pamisha inoti Mutikizizi Old People’s Home neIdawokwako vakaendeswako nekuda kwenyaya dzekupomerwa huroyi nehama dzavo zvisinei kuti vamwe vavo vaisada kubuda pachena pamusoro penyaya iyi.
“Ini ndakanetsana nemurume nekuda kwekusabata mbereko (kusaita vana) akati haangagari nengomwa. Ndipo pandakazoenda kuSocial Welfare yekuMasvingo inova yakandiunza pano paMutikizizi,” vanodaro Mbuya Sophie Phiri (75).
Vanoti pamusha uyu vari kusangana nematambudziko ekushaya chokudya chakakwana sezvo vatsigiri vari kuita vashoma.
“Tinodya kamwe chete pazuva nekuti hakuna vari kutsigira musha uno. Hatina motokari dzinotakura zvitunha kana vanhu vachinge vafa pano, zvitunha zvinonovigwa mugomo pasina kuendeswa kumochari.
“Sevanhu vakwegura, tinopomerwa nyaya dzehuroyi kunyangwe nevana vatakabereka chaivo. Izvi ndizvo zvimwe zvinoita kuti vamwe vedu vagumisire vave pano.”
Mbuya Sophie Gwaimano (72) vanotiwo vanhu vari munharaunda vanofanira kutambira vakwegura vachivayamura.
Vanoti: “Tiri vanhu vanoshorwa isu nekuti pose panenge pafiwa tinonzi tisu tauraya, kunyangwe nevanenge vafa nemukondombera. Vanhu ngavadzidze kuzvibata nekuti kune zvirwere, isu kare taizvibata kunyangwe varume pavaiita mabarika avo taingoramba takamira navo pasina anoita gumbo mumba gumbo panze. Kurarama kwenguva refu chipo chinobva kunaMwari chinofanira kutendwa.”
Mashoko avo anotsinhirwa naMbuya Tadzira Musingarapwi (68) vachiti kudunhu reZaka kwavari kune nyaya dzekupomerana huroyi uye vanhu vakwegura ndivo vanonyanya kunangwa. “Zvinoitika muno ndezvekuti kana kukarwariwa kana kufiwa vanhu vanoenda kunonzi kumagumbwa kunobvunzira. Zvinenge zvataurwa nen’anga kana muporofita hazvipikiswe. Chembere dzakawanda dzakasiya misha yadzo neupfumi nekuda kwekupumhwa huroyi,” vanodaro.
VaJohn Mutikititi (70), avo vanova sabhuku vari zvakare mukuru weMutikizizi Old People’s Home kuBikita, vanotsinhira kuti nyaya dzehuroyi dziri kukonzera rusarura kune vakwegura.
“Pano tine chembere dzinodarika shanu dzakauya nezvipomerwa zvehuroyi asi ukazvitarisa unoona kuti inyaya dzevanhu vasingatambire kuchembera uye vamwe vacho vane udyire hwekuda kusara vachidya nhaka dzevakwegura. Vamwe vane dzimba dziri mumadhorodha dzave kugarwa nehama dzichitora mari dzerendi,” vanodaro.
Vanotizve musha wavo wakatarisana nematambudziko makukutu anosanganisira kushomeka kwezvekudya, motokari yekutakura varwere, pamwe nemagumbeze anokwanirana nevakwegura vanochengetwa ipapo.
“Hurumende, kuburikidza nebazi reSocial Welfare, inopa mari (grant) reUS$15 pamunhu asi haitikwaniri kuti tichengete vana ambuya nanasekuru ava. ‘‘Zvekare kana vachinge vafa havaende kumochari, tinongovaviga mugomo umo munovawo mave kuita dambudziko rezvipoko nekuti musanganiswa wemarudzi nemarudzi ari kuvigwamo,” vanodaro.
Zvakadaro, VaAdonis Faifi, avo vanove programmes manager kusangano rinoona nezvevakwegura, reHelpAge Zimbabwe, vanokurudzira vanhu vari munharaunda kuti vange vachiyemura pamwe nekutambira vakwegura.
“Munhu wose achizvarwa ane makore eupenyu aakatarirwa naMwari. Saka kana munhu akapihwa nguva yekurarama yakareba hazvirevi kuti ave muroyi uye imhosva kunanga munhu huroyi. “Vechidiki vanofanira kuziva kuti vakwegura vanhu vakakosha muupenyu uye ndivo vane nhoroondo yenyika inovabatsira,” vanodaro VaFaifi.




