Kudanana nemwana kwakamuparira

SAIMBA wekumanikidza kasikana kane makore 16 okuberekwa, ako aidanana nako, kupinda pabonde akaigochera pahutsi sezvo akatongerwa kunogara mujeri kwegore rose nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.
Muchuchisi wedare iri, Wilson Matsika, akati Peter Maswayi, wepanhamba 17155 Gandinga, Zengeza 2 akashereketa nekasikana nyaya yacho ndokubuda apo amai vako vakakaona kaine nharembozha ndokukabvunza kuti kaive kaiwanepi. Iko kakati kainge kapihwa naMaswayi sezvo vaive murudo.

Mwana uyu akaudza amai vake kuti Maswayi ainge amupfimba iye ndokubvuma nokudaro vaitodanana zvaisazivikanwa nemudzimai wake.

Musi wavakashinha vose mudzimai waMaswayi ainge asipo uye akatoita zvekumanikidzirwa kuti abvume.

Pakumiswa kwaakaitwa mudare, Maswayi akaramba mhosva iyi asi ndokuzorovererwa nekuda kweumboo hwakapihwa.

Mutongi Musaiwona Shortgame akati kubatirira vana vadiki imhosva huru nokuti pfungwa dzavo dzinenge dzisati dzave kukwanisa kuita sarudzo yakajeka, nokudaro Maswayi akatongerwa kugara muchizarira kwegore.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×