Foromani weZesa oramba mwana

Yvonne Chipato
FOROMANI wekambani yemagetsi, yeZesa Holdings, wekuedza kuramba mwana wake mudare senzira yekuda kunzvenga kubhadhara mendenenzi, akanzi abvise $100 pamwedzi nemari yechikoro patemu achimirira kuti paitwe ongororo yekuona kuti mwana uyu ndewake here.

Jonah Tasanangura akaendeswa kuHarare Civil Court neaimbova shamwarikadzi yake, Netsai Mazowe, uyo aida $300 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo ane makore 12 okuberekwa.

Mazowe akaudza dare kuti Tasanangura ari kuramba kuchengeta mwana uyu pamwe nekumutoresa gwaro rekuzvarwa apo ava kuda kunyora bvunzo dzeGrade 7. Achiedza kuvhika mhosva iyi, Tasanangura akaramba kuti mwana uyu ndewake achiti paine makakatatwa pamusoro pemwedzi yakabata Mazowe pamuviri naizvozvo aida kuti vatange vanoongororwa nachiremba kuti mwana uyu ndewake zvechokwadi here.

Kuramba mhosva kwaTasanangura kwakashaya basa sezvo mutongi Gamuchirayi Siwardi akamuti abvise $100 yekuchengeta mwana pamwedzi ne$55 yechikoro iyo yaizobhadharwa patemu yega-yega achimirira ongororo yaizoitwa yekuona kuti mwana uyu ndewake here.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×