Kudyidzana kweHIV neCovid

Munyori weKwayedza
VANHU vanorarama nehutachiona hweHIV vari kukurudzirwa kuti vatore mishonga yavo nemazvo panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.
Kurudziro iyi yakaitwa naVaAmon Mpofu vanove monitoring and evaluation director wesangano reNational Aids Council of Zimbabwe vachiti zvakakosha kuti vanhu vanorarama neHIV vatore mishonga yavo yemaanti-retroviral drugs nemazvo uye nenguva kuitira kuti vasave panjodzi yekubatwa nezvimwe zvirwere zvinosanganisira Covid-19.

“Garai kudzimba kusvikira mabaiwa majekiseni ekudzvirira Covid-19. Kana ukave nefungidziro yekuti wabatwa nechirwere, enda unorapwa nekukasika,” vanodaro.

VaMpofu vanoti kunyangwe zvazvo pasati pave neumbowo hunoratidza kuti vanhu vanorarama neHIV vari panjodzi yakakura yekubatwa neCovid-19, vamwe vakwegura nevane zvimwe zvirwere – kusanganisira zvemwoyo – vari panjodzi huru yekubatwa nedenda iri.

“Pari zvino, umbowo hunoratidza kukanganiswa kweutano kuvanhu vane HIV nekuda kweCovid-19 hausati hwevepo,” vanodaro.
VaMpofu vanoenderera mberi vachiti, “Sangano reCentre for Disease Control riri kuramba richiita ongororo pamusoro penyaya iyi nekuzivisa zvakakosha zvinenge zvawanikwa.”

Vanhu vanorarama neHIV vagara vachiwana rutsigirwo nedonzvo rekumisa kupararira kweCovid-19.

Gore rapera, nyika yeUnited States, kuburikidza nehomwe yeUS President’s Emergency Plan for Aids Relief, yakapa US$150 000 yekurwisa kupararira kweCovid-19 muZimbabwe, zvikuru kuvanhu vanorarama neHIV neAIDS.

Mari iyi yakatutsirwa pane imwe yakapihwa neUnited States Agency for International Development inove US$470 000 yeWorld Health Organisation (WHO yekubatsira Zimbabwe zvakare kurwisa Covid-19.

Mari iyi yakashandiswa kutenga sipo, migomo, zvekugezera maoko uye kugadzirisa zvinhu zvekushandisa pakufambiswa kwemashoko kuruzhinji pamusoro pedenda iri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×