Muchaneta Chimuka naMercy Chimenya
VANHU vemazera akasiyana vari kutambira nemawoko maviri basa riri kuitwa neHurumende rekurwisa kuparira kwechirwere cheCovid-19 uye vamwe vavo vanoti vakazvipira kubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri (vaccines).
Izvi zvinotevera kusvika kwakaita mushonga wekutanga wekudzivirira Covid-19 munyika muno nemusi weMuvhuro uchibva kunyika yeChina.
China yakapa Zimbabwe rubatsiro rwemajekiseni eCovid-19 anosvika 200 000.
Nyika ino yakatenga zvakare mamwe majekiseni 600 000 kuChina ayo ari kutarisirwa kusvika muZimbabwe muna Kurume.
Kwayedza inoita hurukuro neveruzhinji pamusoro penyaya iyi avo vanopa mafungiro avo.
VaMilson Sere (49) vanoti vanoda kubaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 iri.

“Ndinotenda mutungamiriri wenyika Cde Emmerson Mnangagwa nechido chavo chekuchengetedza upenyu kuburikidza nekutitsvagira kwavakaita majekiseni ekudzivirira chirwere chapedza vanhu ichi. Ini handirambe hangu kubaiwa nekuti ndinoda kurarama,” vanodaro VaSere.
Muzvare Angeline Jiri anoti akazvipirawo kubaiwa majekiseni aya asi anoda kuti mishonga iyi itange yavhenekwa muno, zvoonekwa kuti yakakodzera here kushandiswa muvanhu.
“Kubaiwa tinoda chaizvo, kunyanya pakuti vana vagone kudzokera kuchikoro nekuti taneta kugara navo kudzimba, vamwe misikanzwa yawandisa. Asi chakakosha ndechekuti atange avhenekwa kuti haana njodzi kuvanhu here bedzi,” vanodaro.
Kuchiti Effort Mhiripiri wekuWaterfalls, muHarare, anoti anozoda kubaiwa mushonga wekudzivirira chirwere ichi mushure mekuona kuti vamwe vanenge vabaiwa vachaita sei.

“Ini kana ndichizobaiwa ndichagamuchira ndaona kuti vamwe vanenge vabaiwa mushonga uyu miviri yavo inowirirana zvakadini nawo,” anodaro
VaWilson Amos vanoti kubaiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere kwakakosha, asi kudai akakurumidza kuuya.
“Tiri kushamisika kuti majekiseni ava kuuya iko zvino apo vanhu vava kufa vashoma, senge nezuro (nemusi weSvondo) kwakafa vanhu vaviri bedzi uye kuswera zuro vashanu kureva kuti kunyangwe mimwe mishonga yechivanhu yatiri kushandisa iri kubatsira, seZumbani nekunatira,” vanodaro.
Mumwe murume akangozviti Tinashe, uyo anoita basa rekuruka vanhu mhotse kuMabvuku, anoti agara achitya kubaiwa majekiseni.
“Isu majekiseni agara anotirovesa hana, saka tinoatya zvekare pane dzimwe nyaya dzakagara dzichitenderera pamaWhatsApp pamusoro pemajekiseni iwaya izvo zvakaita kuti vamwe vanhu vavhiringidzika pakuti voatambira here kana kuti kwete. Izvozvi tanzwa kuti asvika uye achabaiwa vanhu vanoda svondo rino. Saka vamwe tava kuona majekiseni aya nemweya inokahadzika zvisinei nekuti pamwe anenge akatonaka zvekuti tinogona kupedzisira tadzokera kumabasa tisisapfeke mamasiki nekuti chirwere chinenge chadzivirirwa nawo,” anodaro Tinashe.
VaChristopher Gohori vanova mukushi wemashoko kusangano reCommunity Water Alliance vanoti vanhu ngavarambe vachienderera mberi nekuchengetedza utsanana kuburikidza nekupfeka mamasiki, kuregedza kuungana uye kugeza maoko avo nesipo kuti vakwanise kudzivirira chirwere ichi.
“Kuuya kwemajekiseni aya ndeimwe nzira yekuderedza chirwere, asi zvichibatsiridzana nekukoshesa utsanana. Tinoshuvira kuti veruzhinji kudai vawaniswa mvura yakachena nemakanzuru kuitira kuti utsanana hukosheswe nekuti pasina mvura yakachena zvirwere zvakawanda kusanganisira manyoka naiyo Covid-19 zvinowandawo,” vanodaro.
Vanoti sangano ravo richafamba richipa vanhu midziyo inosanganisira masanitizer, sipo, mamasiki pazvibhorani zviri munzvimbo dzinosanganisira musha weMabvuku kuti vadziviririke kuchirwere ichi.



