Nhaka yevana vakaberekwa kunze kwewanano

SVONDO rino tinoda kutaura pamusoro penyaya inogarotaurwa nevanhu vakawanda. Tinoda kutaura pamusoro pevana vanozvarwa kunze kwewanano kuti vakafanana here neavo vanoberekwa muwanano? Vane kodzero dzakafanana here? Mukutaura kwedu tinoshevedza vana ava nemazita ekuny’omba akasiyana sokuti mubvandiripo, mubvakure nezvimwe zvakadaro zvinoita kuti vange vachisarudzwa pakati pevamwe uye vachitarisirwa pasi.

Mubvunzo unowanzobvunzwa nevanhu vakawanda ndewekuti vana vakaberekwa kunze kwewanano vane kodzero yekudya nhaka yababa vavo sevana vakaberekerwa muwanano here?

Pasi pemutemo wekare, vana vanoberekwa kunze kwewanano vaisarudzwa zvikuru uye vakange vasingakwanise kudya nhaka yababa vavo kunze kwekunge vakasiya vanyora gwaro re”will” iro rinenge richidonongodza magoverwo avanoda kuti nhaka yavo izoitwa. Izvi zvaisarura vana vanozvarwa kunze kwewanano avo vairangirwa zvivi zvevabereki vavo.

Bumbiro idzva remutemo wenyika muchikamu cheSection 56(3) rinoti hapana mwana anofanirwa kusarudzwa nekuda kwekuti anenge akaberekwa kunze kwewanano.

Izvi ndizvo zvagara zviriko kunyangwe mubumbiro remutemo wenyika rakare asi kuti vamwe vanhu vakange vasingazvitevedzere.
Dare guru reHigh Court mumwedzi waChikumi gore rino rakanyatsojekesa kuti vana vanoberekwa kunze kwewanano vane kodzero dzakangofanana nedzeavo vakazvarwa muwanano. Izvi zvinoreva kuti chero pakugovewa kwenhaka vanofanirawo kuwana chikamu panhaka yanababa vavo. Izvi zvakaita kuti pave nekugeda-geda kwemeno sezvo mamwe madzimai akaona mutemo uyu seusingavaitire zvakanaka.

Vamwe vaiti vana ava vanenge vave kubatsirikana nezvinhu zvakabva paziya ravo.
Vamwewo ndevaiti vana vanenge vaberekwa kunze kwewanano vanofanirwa kubatsirika apo baba vavo vanenge vachiri vapenyu chete. Kune madzimai akawanda ane mufungo wekuti mutemo uyu unoita kuti vamwe vanhukadzi vasaremekedze wanano zvinoita kuti vaite vana nevarume vakaroora vachiziva kuti vana vavo vachazove vadyi venhaka yababa vavo.

Zvisinei, kugunun’una kwakawanda pamusoro penyaya yemutemo uyu kuri pamusoro pevana amai vevana ava kwete kuti zvakanakira vana vacho sezviri muchikamu cheSection 19 chebumbiro remutemo icho chinokoshesa zvinhu zvakakoshera mwana.

Mwana anoberekwa kunze kwewananano anofanira kuve akachengetedzeka kunyangwe baba vake vafa nekuti ane zvakawanda zvaanenge achidawo muhupenyu zvakaita sekuenda kuchikoro, zvekudya, kurapwa kana arwara, pekugara nezvimwe zvakadaro zvingadiwe nemwana.
Ichi ndicho chinangwa chakaita kuti mutemo uyu uvepo nekuti vana ava haizi sarudzo yavo kuti vange vachiberekwa kunze kwewanano.
Chero vaberekwa kunze kwewanano vane zvavanoda kuti vawane pakurarama kwavo.

Mutemo uyu unobatsira kuti vanamai kana vachengeti vevana vakaberekwa kunze kwewanano vabatsirikane pakuchengeta vana nekuti kazhinji vanenge vakaremerwa nemutoro uyu vari voga.

Madzimai nevamwe vanochengeta vana vanenge vakaberekwa kunze kwewanano vanofanira kuona kuti vana ava vadyawo nhaka yanababa vavo nekuti havafanire kunge vachisarudzwa pasi pemutemo.

Vanogova nhaka vanofanira kutarisawo kuti kana kuine vana vanenge vakaitwa kunze kwewanano vowaniswawo chikamu panhaka yemushakabvu pasina rusarura.

Gwaro rino rakanyorwa naTariro Tandi – Transformative Justice Manager. Makasununguka kupa pfungwa nemaonero enyu padandemutande rinoti: [email protected] <mailto:[email protected]> kana panhamba dzinoti 0777 828 201. Tosangana zvakare muchikamu chinotevera muKwayedza nemusi weChina. Kune vanoda kubatsirwa munokwanisa kutiridzira nhare patoll free nhamba inoti 08080131

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×