Kufahakutizwi apondwa nemuvakidzani nekuda kwemakuhwa

Tendai Gukutikwa

MURUME wekuHonde Valley anonzi akapondwa nemuvakidzani wake mushure mekunge anetsana nemudzimai wemuvakidzani uyu nenyaya yemakuhwa pamusoro pemhuri yake.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti kunetsana uku kwakatanga nekuda kwegakava remakuhwa, apo pakazomuka kurwisana ndokuzoguma nekufa kwaGledman Shingirai Kufahakutizwi (38) wekuMatingo kwaMambo Mutasa.

“Mushakabvu uyu akaenda pamusha waWebster Mwamuka nomusi wa3 Mbudzi achida kubvunza mudzimai wacho, Rufaro Madziro, nyaya yemakuhwa aanonzi aifambisa pamusoro pemhuri yake munharaunda iyi.

“Zvakatanga sekutukana asi nyaya yacho ikazogozha, Kufahakutizwi akatadza kuzvidzora ndokudira bhakiti remvura kumeso kwaMadziro.

“Mukadzi uyu akashevedzera achida kubatsirwa,” vanodaro.

Asst Insp Chinyoka vanoti murume waMadziro, Mwamuka, akabva amhanyira panzvimbo iyi ndokunotanga kupopotedzana naKufahakutizwi.

Mukunetsana uku, Kufahakutizwi anonzi akanhonga mupinyi webadza ndokuda kurova Mwamuka nawo, asi akapotsa.

“Mwamuka achiona mupinyi webadza uchivhetemeswa kwaari, akabva angonhonga dombo ndokutema Kufahakutizwi pahuma, Kufahakutizwi akabva adonha ndokurovera nemusoro pasi zvakaita kuti akuvare zvakanyanya ndokufenda.

“Mwamuka nemudzimai wake vakamboedza kumubatsira asi hapana shanduko yakaitika,” vanodaro.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Courage Magota (19), akaona kuvhunduka kwakange kwaita vanhu vepamusha uyu ndokubva aridzira nhare mapurisa epaZRP Ruda Police Post achimhan’ara nyaya iyi.

Asst Insp Chinyoka vanoti mapurisa akasvika panzvimbo iyi, ndokusunga Mwamuka uye ndokutakura mutumbi waKufahakutizwi kuenda nawo kuchipatara cheHauna District Hospital uko zvakazvikoonekwa kuti akange akatofa kare,” vanodaro.

Asst Insp Chinyoka vanokurudzira veruzhinji kuti vagadzirise kusanzwisisana kwavo murunyararo pane kuita zvemhirizhonga.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vasatore mutemo vachiisa mumaoko avo. Zvisinei nokuti panogona kunge paine kusawirirana kwakadii, mhirizhonga haimbogadzirisi nyaya.

“Kana uchiona wakanganisirwa, mhan’ara nyaya yacho kumapurisa kana kuvatungamiri venharaunda pane kutsiva. Kusawirirana kunogadziriswa murunyararo,” vanodaro.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×