Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuZvishavane, mudunhu reMidlands, atanga kutora danho repamusoro pakuona kuti mutemo unorambidza vanhu kutakura dzimwe mhando dzezvombo watevedzwa.
Danho iri rakaziviswa nemukuru wemapurisa muZvishavane district, Chief Superitendent Enock Chishiri, vakanangana neSection 4 yeMaintenance of Peace and Order Act [Chapter 11:23].
“Tichitevedza mutemo uyu, vanhu vave kurambidzwa kutakura zvombo zvinosanganisira rekeni, mabhemba, matemo, nduni, mapakatwa nemamwe mapanga makuru nemadiki kwenguva inoita mwedzi mitatu kutanga musi wa31 Gumiguru gore rino ra2026 kunosvika musi wa31 Ndira mugore rinotevera ra2027. Hazvina mhosva kuti zvombo izvi zvakaputirwa kana kuti hazvina; vanhu havachatenderwa kutakura zvombo izvi,” vanodaro Chief Spt Chishiri.
Vanhu vakatarisana nedanho iri ndevanogara munharaunda dzinosanganisira nzvimbo dzinotangira kurwizi Musavezi, kutandavara kunosvika kuPakame nekudarikira kugomo reGuruguru, kunobata nzvimbo yaMambo Masunda, kwakadziva kurwizi Runde, kudarikira kunosvika kuGundekunde.
Mutemo uyu unobatawo matunhu evakuru vanoti Mambo Mazvihwa; Mambo Ngungumbane; Mambo Nyamhondo; Mambo Mketi; Mambo Mahlebadza; Mambo Bankwe; Mambo Mtevaidze, kwakadziva kumakomo eDolo Range, kubva kuInsiza district.
Dzimwe nzvimbo dziri kuputirwa nemutemo uyu dzinosanganisira kwaMambo Bvute, kwakadziva kuKroomdraai; kwaMambo Mafala; Mambo Wedza; Mambo Mapanzure, kudzokera kurwizi Musavezi, pasi peZvishavane district, kunobata kumachinga eMberengwa district.

Chief Spt Chishiri vanoti mutemo wekurambidzwa kufamba nezvombo izvi unotevera kukwira kwemhosva mudunhu iri dzekurovana, kupondana, kuba nedzimwe pachishandiswa midziyo yakadai mudunhu reZvishavane.
“Nokuda kwemutemo uyu, mapurisa ose ari pabasa anobvumidzwa kutora zvombo izvi kubva kuvanhu vose vanowanikwa vainazvo pasina kupa yambiro, zvonochengetedzwa panzvimbo dzakakodzera. Kune vanenge vawanikwa vaine zvombo izvi, matare edzimhosva anotora matanho akakodzera kwavari zvichifambirana nemitemo yenyika,” vanodaro.
Vanoti vanhu vanotadza kutevedza zvisungo zvemutemo uyu vanobatwa nemhosva inogona kuvaendesa kujeri kwemwedzi mitanhatu kana kuti vanobhadhariswa faindi inofambirana.
