Kugadzirira kurima gorosi

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
CHINHU chekutanga chinodiwa kutariswa nemurimi achifunga kurima gorosi huwandu hwemvura iri mudhamu kana mumigodhi yake.

Zvinokosha kuziva kuti mvura yakachengetedzwa papurazi inokwana mahekita mangani kuti gorosi risvike pakuibva. Kana varimi vakavanda padhamu rimwe chete, ino ndiyo nguwa yekugara pasi kuti moona kuti mungagovana sei mvura. Kana musina ruzivo rwakakwana maererano nehuwandu hwemvura yamunayo nemahekita ainokwanisa kudiridza, onai murimisi wenyu weAGRITEX kana uyo vekukambani inoita zvekudiridzira kuti akubatsirei.

Hapana chinhu chinorwadza kuti madyara gorosi moriona richioma mumunda nokuti mvura yapera mudhamu. Zvinhu zvakanaka kuti tidyare munda unoenderana nehuwandu hwemvura yatinayo.

Hapana asingazive dambudziko ratinaro maererano nekushaika kwemvura munyika, nekudaro pane zvatinoshandisa mvura zvose ngatiisevenzesei tichiziva kuti ishoma uye yakakosha. Ino ndiyo nguva yatinoongorora kuti michina yekupomba mvura (water pumps) haina painorasa mweya pamwe nemvura, toona zvakare kuti mapombi anofamba nemvura (pipes) kubva kudhamu kana kurwizi haana maburi.

Mvura inobvinza iya inopa kuti mushandise magetsi akawanda kuipomba. Mvura iyi zvakare inokonzera kuti igeze mbeu iri kumera muvhu izvo zvidzikisira huwandu hwembeu pahekita, zvinozokonzeresa kuti gohwo ridzikire.

Pombi inenge ichibvinza inokonzeresa kuti mvura iwandise pachinzwimbo yogeza mafetiriza zvichidzikisa gohwo pachinzvimbo ichoicho. Kubvinza kwepombi kunokonzerersa makoronga mumunda mozojenga mvura kana kuti hamuzoshandike zvakanaka.

Kubvinza kwemvura kunopa kuti mvura iya ikukurutse ivhu rinodzoka mudhamu kana murwizi zvokonzeresa kufusirika kwenzizi kana madhamu, zvichizotisvitsa kunataisireva madhamu nenzizi zvafusirika.

Tumhuno (nozzles) tunosungirwa kunge tuchiburitsa mvura yakaenzana kuitira kuti gorosi riwane mvura yakaenzana.

Midziyo yekushandisa pakurima, kukusha mafetiriza, mbeu, kudyarisa, kupomba mvura, kupfapfaidza mishonga netarakita zvinofanirwa kuongororwa kuti zviri kushanda zvakanaka. Zvose izvi, ndiyo nguva yekuona kuti pana zvakatyoka here motenga zvitswa, ndokunge paine zvapera. Kana pane zvisiri kushanda zvakanaka gadzirisai nanamazvikokota.

Hapana chinhu chinorwadza kuti uri pakati pekuita basa chinhu chobva chafa.

Zvinoreva kuti gorosi harichakuri zvakaenzana, munenge mava kuita basa muzvidimbu zvidimbu zvichizokonzera kuti gohwo ridzikire uye zvodhura kuita basa racho. Munda iwoyo unonetsa kudiridza nokuti gorosi rinenge richida mvura munguva dzakasiyana-siyana uye nehuwandu hunenge hwakasiyana.

Chimwe chechinhu chatinokwanisa kugadzirira panguwa ino kutora ivhu ronoongororwa kuti rinoda fetiriza yerudzii, uye pH yakamira sei.

Togadzirira mari dzinoenderana nefetiriza yatinoda pamwe nembeu. Izvi zvinobatsira kuti tisaise mafetiriza akawandisa kana kuti akashomeka, tobva tawana gohwo repamusoro nehunaku hwegorosi hwakanaka.

Ndiyo nguva zvakare yekuenda kumakambani kunokumbira chikwereti, kana kubhadhara zvishoma nezvishoma kusvika nguva yekudyara yakwana.

Zvinotibatsira zvakare kuti tidyare nguva iripo kuitira kuti gorosi rikohwiwe risati ranaiwa nemvura yekutanga izvo zvinodzikisira hunaku hwehohwo.

 

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×