Manakiro anoita zvihuta

SVONDO rino Anna Stella Chipongo ari kwaMutare anotaura pamusoro pemabikirwo anoitwa nyaya yeshiri dzinonzi zvihuta.

MuZimbabwe, zvihuta zvagara zvichizivikanwa seshiri dzesango asi zvino dzave kupfuyiwa nevanhu dzichityiwa senyama nemazai. Nyama yacho zvose nemazai zvinonzi zvakanakira utano hwevanhu – varwere nevasingarware.

MAGADZIRIRO:

Chekutanga, fashaidza mvura wozouraya zvihuta nebanga sezvinongoitwa huku. Isa zvihuta mumvura inopisa kuti uzviundure makushe. Chizvigeza nemvura yakachena wozotumbura.

Unogona kutanga wazora nyama yako hupfu kuitira kudzinga kamunhuwi kehwema hweshiri idzi.

MABIKIRO:

Isa nyama yezvihuta mupoto ine mvura nemunyu zvinonzwirana wosiya zvichifashaira kusvika zvaibva. Kana mvura yapera, kanga nemafuta mashomanana kusvikira zvatsvukira wochizobura.

CHEKUDYISA:

Munogona kudya sechimukuyu kana kuisa supu padivi kuitira kuseva. Nyama yezvihuta inoperekedza sadza rezviyo, remhuka, mupunga kana rechibage zvekuti huya uone. Vamwe vanogona kudya nemupunga une dovi.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×