Koshesai nhau dzeHIV neAIDS: NAC

Beatrice Tonhodzayi-Ngondo
Beatrice Tonhodzayi-Ngondo

VATORI venhau vanokurudzirwa kuti vaburitse nyaya dzine hudzamu maringe neHIV neAIDS sezvo izvi zvakakosha mukuvandudza upenyu hweavo vanorarama nedenda iri.

Vachitaura kuMacheke pamusangano wevatori venhau wakarongwa neNational AIDS Council (NAC) svondo rapera, mutevedzeri wasachigaro wesangano iri, Mai Beatrice Tonhodzayi-Ngondo, vanoti vatori venhau vanofanira kukoshesa kunyora zvine hudzamhu nyaya dzine chekuita nezveHIV neAIDS.

“Sevatori venhau vanofambisa mashoko ezvinhu zvinoitika munyika pamwe chete nekupa ruzivo kuvanhu, zvakakosha kuburitsawo nhau dzine chekuita neHIV neAIDS.

“Vatori venhau havafaniri kumirira kuita misangano yakaita seuno kuti vanyore zvedenda iri. Zvakawanda zviri kuitika munharaunda dzavagere zvinouya zvichidarika uye vamwe vanhu vari kuparadzira denda iri nekusaziva. Ibasa revatori venhau kufambisa mashoko eruzivo maringe nekudzivirira nezvinoitwa kana munhu abatwa nechirwere ichi,” vanodaro.

Vanoti nyaya dzine chekuita neHIV neAIDS ngadzive nehudzamu hunosanganisira matambudziko ari kusangana nevanhu nekuda kwedenda iri pamwe nezvingaitwe kuvandudza raramo yavo.

Mai Tonhodzayi-Ngondo vanoti kare masangano enhau aikoshesa nyaya dzeHIV neAIDS izvo zvasiyana nemazuva ano.

“Veruzhinji vachiri kuda ruzivo zvakanyanya maringe nekuparadzirwa, kudzivirirwa pamwe nezvingaitwa kana munhu abatwa nedenda iri. Vatori venhau vanofanira kuva neruzivo rwekushandisa nzira dzekufambisa mashoko dzechizvino-zvino dzakaita sedandemutande, Facebook, Twitter neWhatsApp.

“Chakakosha kuti mashoko anofambiswa nevatori venhau ave echokwadi sezvo veruzhinji vaine chivimbo chekuti mapepanhau nenhepfenyuro zvinoburitsa chokwadi.”

Mashoko avo akatsinhirwa naNAC communications director, Muzvare Medelina Dube, vachiti kare masangano enhau aikoshesa zvikuru nyaya dzine chekuita neHIV neAIDS.

“Pakatanga kutaurwa nekunyorwa nezvedenda iri, nhau dzacho dzaiwaniswa nzvimbo nenguva yakakura pamwe chete nekuiswa chero papeji rekutanga rebepanhau. Asi zvino zvadzikira.

“Vatori venhau vanofanira kutsvaga nyaya dzine dzidziso kana kuti ongororo yakadzama maringe nedenda iri. Izvi zvinobatsira kuti sangano reNAC rigone kutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko iwayo uyewo zvichideredza kufa kwevanhu nedenda iri,” vanodaro.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×