Kugadzirira shoo yevarimi

Mudhumeni Mukuru Ivan Craig

SHOO mukana unopihwa varimi munharaunda mavo kamwe chete pagore kuti varatidzire pamwe nekukwikwidzana kuchitsvagwa kuti anogona kudarika vamwe ndeupi. Zvakanakira zvakare kuti murimi anenge achizvikwikwidza oga pamusha pake.

Kupinda mumakwikwi eshoo hazvinetsi, munoenda kumurimisi wenyu weAGRITEX uyo anokupai zvinyorwa zvezvinhu zvinenge zvichitarisirwa, imi moenda monotevedzera izvozvo.

Mashoo atiri kukurudzira ndeayo atinozonotarisa kumusha zvakare kuitira kuti tione kuti murimi zvinhu zvaaunza kushoo ndiye akarima here kana kuti akatenga kana kupihwa nasahwira. Hunyanzvi hunonakidza kana munhu achihwinha zveziya rake.

Kugadzirira makwikwi eshow kunopa mukana kumurimi wekuti pamusha pashongedzwe zvakanaka. Zvinopa izvo kuti zvirwere zvidzikire nekuti panenge paine hutsanana, pamusha panakidze kugara, uyezve zvinenge zvichipa kuti zvinhu zvake zvirongeke.

Shoo ndeye munhu wose chero achirima. Asi anofanirwa kunge achirima zvirimwa zvakasiyana-siyana pamunda wake nekuti majaji anogona kuda kuenda kumunda kunoona kuti ichokwadi here kuti ndimi makarima. Izvi zvinokupai mukana wekuti muhwine kana muchinge muine zvinhu zvakawanda zvekuratidzira.

Kuti muzive zvinodiwa kushoo, onai murimisi wenyu weAGRITEX.

Kana muchinge maenda kushoo, munoshongedza zvirimwa zvenyu. Majaji anotarisa basa ramunge makaita vozogara pasi kuona kuti akakunda vamwe vose ndiani. Pane mibairo yakawandisa inopihwa kune vanenge vakakunda. Mibairo iyi ingaite kunge midiki pawadhi kana padistrict show asi kubva paProvince zvichikwira, inenge yakura. Kushoo yenyika kunohwiniswa tirakita nemidhudhudhu nezvimwe zvakawandisa.

Kana muchienda kushow munogadzirira nhumbi dzekupfeka dzinopedza mazuwa amuri kunogara ikoko pamwe nezvekufuga nekupfeka zvinokwana. kana show yamuri kuenda isingapi chikafu munosungirwa kutakura chikafu chinopedza mazuwa amuri kunogara ikoko.

Munokurudzirwa zvakare kuti mutakure mari yekudzokesa kumusha yakakwana, uye zivisai hama dzepedyo kwamuri kuenda zvekare movapa nhamba dzenhare dzekwamuri kuenda nedzamudhumeni nevamwe vamunenge muchienda navo.

Kana muchinyoresa kuenda kushoo kumudhumeni wenyu, zvinosungirwa kuti munyorese zvamusingabvumirwe kudya, zvirwere kana muinazvo zvinokutambudzai, mapiritsi amusingabvumirwi kunwa uyezve motakura mishonga yamunofanirwa kunwa inoenderana nemazuva amuri kunogara ikoko.

Regai ndimbokurumai nzeve kuti kana muchida kuita mari nechibage chinyoro ndiyo nguwa yekuchidyara icho chamunozotengesa tichangopinda muchando. Munodyara mbeu yemwaka mupfupi-pfupi. Inguva zvakare yekusima mbambaira pamwe nemufarinya.

Musakanganwe kudhibisa pamwe nekudhoza zvipfuwo zvenyu. Ngatibatsirei zvipfuyo nechikafu kunyanya nzvimbo dzakarohwa nezuva.

Kuvarimi wefodya, torai ivhu rinoongororwa moisa lime sekuudzwa kwamunenge maitwa navanamazvikokota. Imba yekugrader fodya ngaive yakachena uye moipenda newhitewash kuitira kuti muve nechiedza chakakwana. Kana mapedza kupisa fodya imba yekupisira fodya (ban) ngaicheneswe kuitira imwe fodya inotevera ipinde makachena.

Fodya ngaipiswe nekutyorwa kwainenge yaitwa zvichienderana nekuibva kwayo, kuitira kuti iibvirane uye iine ruvara rwakafanana, zvichizoita kuti basa rekuityora rireruke. Mogadzirira zvekuputira fodya mumabhera, masaga nepepa. Ndiyo nguva yekusima miti yekupisisa fodya kuitira kuti tichengetedze masango edu ari kushomeka gore negore zvichikonzerwa neavo vanotema huni dzekupisisa fodya.

MAKWIKWI:

Mubvunzo wesvondo rino:

Chibage chipi chinokurudzirwa kuti murime adyare iye zvino chichizotengeswa chiri chinyoro?

Nyorerai mhinduro dzenyu pafomu riri pasi motevedza zvose zvinodiwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *