Vechidiki vorima mbatatisi

Muchaneta Chimuka
VECHIDIKI vazhinji kudunhu reNyanga South vanonzi vari kubatsirikana zvikuru kuburikidza nekuwana raramo kubva mumabhindauko akadai sekurima mbatatisi vachitengesa. Mabhindauko aya akavambwa nemumiriri weNyanga South mudare reNational Assembly, Cde Supa Mandiwanzira – avo vanove zvakare gurukota remichina yekufambiswa kwemashoko neposvo.

Muhurukuro neKwayedza nguva yadarika, Cde Mandiwanzira vakati vakatanga mabhindauko aya nedonzvo rekufambirana nechirongwa chenyika chekuvandudza hupfumi kuburikidza nemabasa emawoko cheZim-Asset.

“Chirongwa cheZim-Asset chiripo mukupa vechidiki ruzivo rwekuti vagone kuzviitira.

“Takapa masaga 200 embeu yembatatisi, pombi nematangi zvemadiridziro. Mabhindauko aya ari kufambira mberi apo vechidiki vakapinda muzvikwata saka pamari yavanozobura inozoramba ichitenderera kune vamwe zvichidaro,” vakadaro.

Cde Mandiwanzira vanoti vechidiki ndivo vatungamiriri vemangwana nokudaro vanofanira kutsigirwa zvizere kuti varatidze hunyanzvi hwavo.

“Vamwe vechidiki vakange vachingoswera vachiita mabasa ekudhakwa vachipara mhosva asi nekuda kwemabhindauko aya vave kukwanisa kuendesa vana kuzvikoro, kuzvifundisa ivo pachavo pamwe neriritira mhuri dzavo,” vakadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *