Kukaringa zvikanganwahama

NYAMA yezvikanganwahama inonaka zvikuru sezvo zvisina mafuta akanyanya.
Svondo rino VaSimson Lukasi vekuBindira vanotsanangura mamwe mabikirwo ezvikanganwahama.

Zvinodiwa:
Chikari kana poto, zvikanganwahama, munyu, mafuta, hanyanisi, mhiripiri nematomatisi

Mabikiro:
Cheka zvikanganwahama uchizvivhura mukati wobvisa tsvina yose.
Zvigeze zvinyatsochena wozviisa muchikari kana mupoto.
Isa chidimbu chekomichi yemvura nemunyu wakaringana.
Zvikwatise kwemaminitsi makumi maviri.
Kana mvura yapera, isa twumafuta twushoma uchikanga.
Chekerera hanyanisi nematomatisi woramba uchikanga kusvika zvaibva.
Unogona kuzoisawo mhiripiri kana uchiifarira.

Wozodii?
Kana zvaibva, chigadzirira kuzviruma rurimi nekunakirwa.
Zvikanganwahama unogona kuzvichachura wodya zvakadaro, kana nesadza jena, remhunga kana rezviyo. Nakirwai nemhuri muri pazororo reGoredzva.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×