‘Kumba ndinotiza huchapa’

PANE mukadzi akaudza dare kuti murume wake anomushungurudza apo asingabvire muchipfambi. Happymore Chikwata akaendesa Langton Katiyo kuHarare Civil Court nenyaya iyi.
Chikwata akaudza dare kuti asvika pakukanda mapfumo pasi nekuda kwekushungurudzwa naKatiyo.

“Murume uyu anondirova pese pandinomubvunza kuti ange aripi. Anondipindura kuti ndiri kubva kushamwarikadzi, unei nazvo? Ndinoona tsamba munhare yake, dzimwe dzekutendwa nevakadzi vakasiyana, asi kwandiri anouya achiti akaneta, ndinotoita kudemberera kwaari.

“Nguva nenguva anondirova achiti ndabva kushamwarikadzi ndakaneta. Handichamuda hangu, ngaasiyane neni haagarike naye uye hapana zvemurume,” akadaro Chikwata.

Katiyo haana kuwirirana nezvainge zvataurawa naChikwata achiti pane zvikonzero zvinoita kuti aende kushamwarikadzi.

“Ini ndakaroora chireshe chemukadzi. Ndinotiza hutsvina hwake, kurova kuedza kumugadzirisa kuti zvimwe angaite mukadzi kwaye.

“Ndizvo zvinoita kuti ndiende kushamwarikadzi uko kwatinobatwa kunge zai, kuitwa baba vemba chaivo zvekuti ndinotakurwa ndabva kugezeswa.

“Ndinomurovera hutsvina nekusateerera, chasara ndiri kutokusiya ndoenda kwatinobatwa bhoo,” akadaro Katiyo.
Mutongi Barbara Masinire akati Katiyo asashungurudza Chikwata nenzira ipi zvayo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×