TEMBO SAMAITA
Maita Mbizi, Chivara
Njuma yerenje, manjenjenje
Maita veChirovarova chaMutasa,
Tembo, Samaita.
Zvaitwa muroro,
Magunde evasikana.
Muzungu, Mutakurwa;
Mushambadzi wemachira.
Chitendera chamambo changu chichi;
Mbizi yakashonga mikonde savakadzi.
Zvaitwa Dhuve,
Chivara, mbizi yangu yiyi
Tatenda waMoyo.
Kuringa mbizi huringa makumbo,
Kuringa rukanda unoyeverwa.
Zvaitwa Dhuve rangu riri,
Rine makwapa-makwapa;
Mbizi, Dhuve rinoti kana richimhanya mumatombo
Kuatsika moto unopfuta kuti cheru cheru cheru.
Hekani waChikanga,
Mbizi chiverekete.
Maita Shumba yepasi.
Aiwa maita Tembo.
Mutumbi wanhongwa mumugwagwa
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…




