SVONDO rino tine nyaya inopa chidzidzo kuruzhinji, kunyanya kuvanhurume, yemurume ane sikarudzi yake yakatsakatika mushure mekunge asasana nemukadzi waakangosangana naye mubhawa. Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi murume uyu ainwa doro aine vamwe vake mune rimwe bhawa riri kuGlendale apo akazotorana nemukadzi uyu vave kunosasana muchisango cheko.
Mushure mezvavakaita muchivande, murume uyu anonzi haana kupa mukadzi uyu mari yake yemubhadharo yavakange vawirirana uye panguva iyi aifunga kuti akangwara uye amugona.
Asi, akazobviswa chiri kumeso apo akaona kuti ainge angosara ava “ruware” pasikarudzi yake.
Kungwara kwose kwakabva kwapera sezvo murume uyu anonzi akatanga kufamba achingoratidza munhu wose-wose waaisangana naye kuti aone zvakange zvaitika.
Shasha iyi yakapedzisira yaenda kunopotera kumapurisa nyadzi dzose dzapera ichida kutsvaga rubatsiro.
Zviya zvekuti munhu anonyara zvinenge zvichakanaka.
Pfungwa dzose dzekuti murume uyu aigona kuzova chiseko chenyika dzakatiza panguva iyo ainge otsvaga kubatsirwa.
Zvichikonzerwa nekusagutsikana, kusazvidzora nekungotorwa moyo nezvisina basa.
Panguva iyi, zvimwe zvose zvakange zvisina basa uye chaaida chete ndechekuti nhengo yake yakavandika idzokere pakare.
Kana murume uyu aine mudzimai kumba akatanga kufunga kuti anosvika achiti kudini.
Nyaya iyi inodzidzisa kuti zvakakosha kuti vanhu vazvibate uye kuti kana vari muwanano vogonyera pamwe sezingizi.
Zvichida pamwe murume uyu mukadzi waakasanana naye ane rukawo.
Pari zvino hapana ari kuziva kuti dambudziko remurume uyu rakazogadzirika here kana kuti kwete.
Mukadzi waakasanana naye uyu vanonzi vakangosangana kwezuva iroro uye pane fungidziro yekuti akange ashanya munzvimbo iyi.
Izvi zvinoreva kuti mukana wekuti murume uyu aonane zvakare nemukadzi uyu muduku chaizvo kuti vataurirane.
Zvakaitwa nemurume uyu hazvina kumbosiyana nenguruve inozvikanga nemafuta ayo.
Chidzidzo zvakare kune veruzhinji kuti nyaya dzechipfambi hadzina chimuko.
Regai vakuru vazoti chidyamatowo akadzipwa neganda remhuru.
Mazuva ano kune nyaya dzakawanda dziri kubuda dzevanhukadzi nevanhurume vari muwanano vari kuita gumbo mumba gumbo kunze asi mhedzisiro yacho vakawanda vacho vanozozvidemba.
Nguva yadarika, bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya yemurume aiti nhengo yake yakaita mavhiki matatu yakatitimuka mushure mekunge ashereketa nemudzimai wasahwari wake.
Kunze kwekusangana nematambudziko akadai serukawo kana kuti runyoka, nyaya yekuita gumbo mumba gumbo panze inokonzera kupararira kwezvirwere zvepabonde zvinosanganisira HIV neAIDS.
Dzimwe dzimba dziri kuparara zvakare nekuda kwenyaya yekusavimbana. Pamusoro pezvo, kusavimbika muwanano kunokonzerawo mhirizhonga yemudzimba.
Zvakakosha kuzvibata nechinangwa chekuchengetedza utano nehunhu hunoyemurika.




