
“UMM, murume uyu ane kahwema kanobuda paari zvekuti kana uchitaura naye unetenge wakateya mhepo. Kunhuwa kuti kutu-u!
“Kuti uti chii chinokonzera hwema hwakadai pamunhu akatsvinda-tsvinda kudai unobva wazvishairwa pazvo. Musi wandakagara naye mukombi, shamwari . . .”
Aya mashoko aitaurwa naFarai Size (33) apo aikurukura neshamwari yake, Tazvitya Makumbe (31), vari pamusika weMbare, muHarare mushure mekunge vasangana nemumwe murume “anozvinzwa” wekumaraini kwavo.
“Ndinovimba kuti ane iya inonzi hudzi, kahwema kanobuda pamunhu zvekuti kunyangwe akageza zvakadini, hakapere. Handizive zvangu kuti kanokonzerwa nei,” akadaro Makumbe.
Kunhuwa hudzi!
Kwayedza yakazoita ongororo pamusoro penyaya yehudzi ikaudzwa zvakawanda.
Nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba, avo vanovazve nhengo yesangano ren’anga nemaporofita reZinatha, vanoti kunhuwa hudzi kunokonzerwa nezvakasiyana.
“Hudzi dzakagara dziriko kubva nakare, dzatinoziva pachivanhu kuti munhu anadzo haasvipwe kana kutsvinyirwa pakunhuwa kwake. Ukadaro zvinonzi zvinobva zvabatana newe, wotangawo kunhuwa,” vanodaro Sekuru Katerere.
“Kune hudzi dzekuroyiwa, koita dzinokonzerwa nengozi inenge ichirwa kukanganisirwa kwayakaitwa kwozouya dzedzinza kana kuti dzerudzi.
‘‘Nekudaro hudzi dzinorapwa zvichisiyana nerudzi rwadzo, kuchishandiswa mishonga yechivanhu.”
Sekuru Katerere vanoti kunyange munhu ane hudzi akageza zvakadii kana kupfapfaidza zvinonhuwirira, kamweya aka hakapere.
“Hudzi inogona kubata marudzi ose evanhu, vangave madzimai kana varume. Vanadzo vanofanirwa kuenda kumachiremba echivanhu vonogezeswa nemishonga kuti kunhuwa uku kupere.
“Kune vamwe vanhu vanogona kuchiva angava mukomana kana musikana vomudira mweya wekunhuwa uyu kuti aite munyama asawane anomuda nekudaro zvinodzikisira chiremera chemunhu iyeye,” vanodaro Sekuru Katerere.
Dambudziko rekubuda mweya unonhuwa iri vanoti rinokonzera kuti vane dambudziko racho vasarudzwe kana kusemwa nevamwe kungava kumabasa kana kuchikoro.
“Vanhu ivava vanonhuwawo zvakare mukanwa zvinoreva kuti panogadziriswa dambudziko iri vanodyiswa mishonga mimwe vachiita yekugeza miviri,” vanodaro.
Makare-kare vanoti kwaisava nesipo dzekugezesa zvaireva kuti vanhu vaiva nehudzi vaipota vachigeza miviri yavo nemishonga inobvisa kunhuwa.
“Dambudziko iri rinogona kutoita kuti murume nemudzimai kana mukomana nemusikana varambane nekuda kwekuti mumwe anenge achinhuwa,” vanodaro Sekuru Katerere.
Vanoti mishonga inorapa hudzi inosanganiswa nemafuta anosvinwa kubva munzungu, aye anonzi dzakinywa.
Dambudziko iri vanoti rakangofanana nevaye vanonzi vane minyama izvo zvinogezwa nemishonga yechivanhu zvichipera.
“Chivanhu chakakosha zvikuru, kunyange pachinyakare machiremba echivanhu aibvisa mazino nemishonga yechivanhu zino richitodonha serabviswa nenzira dzechizvino-zvino,” vanodaro.
Mbuya Martha Ried (60) vekuChitungwiza vanoti mweya wehudzi unokonzerwa nezvakasiyana sekutandidzirwa nevavengi.
“Hudzi mweya wekuti munhu anonhuwa kunyangwe akageza zvakadii.
‘‘Zvakawanda zvinokonzera hudzi, dzimwe nguva mweya yakaipa kana kuroyiwa,” vanodaro.
Vanoti kazhinji kuvanhukadzi munhu anogona kuroyiwa opihwa jambwa rekunhuwa muviri kuti asaroorwa uyewo kuvanhurume zvimwe chetezvo, anogona kutadza kuroora.
Mbuya Reid vanoti dambudziko iri rinogona chete kugadziriswa nekubatsirwa nen’anga.
Mashoko avo anotsinhirwa nemukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, avo vanoti nyaya yehudzi idambudziko kubva nakare.
“Vanhu vane dambudziko iri vanoenda kunogezwa nemishonga nemachiremba echivanhu mumvura yemurwizi rwunoyerera,” vanodaro.



