‘Ngwarirai maporofita’

Munyori weKwayedza —
SADUNHU Murombedzi, VaMark Murombedzi, vanoti nyaya yemitumbi miviri yakaworera mumba ichinzi ichamuka yakavakahadzisa zvikuru.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vasangogashire mashoko ose-ose kubva kune vamwe vanhu vanozviti maporofita.

“Muporofita uyu akavhundutsira hama dzake achiti iye akafa aizomuka nekuzomutsawo baba vake avo aiti vachazofa uye vakabvawo vazoshaika,” vanodaro.

Sadunhu Murombedzi vanoti zvisinei nezvakaitika izvi, vanokumbira vanhu vemudunhu ravo kuti vatambire vemhuri iyi vogara navo zvakanaka.

“Zvakadai hazvina kumbobvira zvakaitika muno. Pane chivanhu chinonzi chinoda kuitwa icho hama dzevafi ava dzakati dzakazvipira kuita zvose zvinodiwa.

“Tichapira nyaya iyi kuvakuru vari muno votibatira basa racho rekuchenura nzvimbo. Mhuri iyi inoti ichaita nyaradzo yavanoti yakasiyana nezvatinoita kuno asi havarambidzwe, vanoita,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *