SANGANO reZimbabwe Women Lawyers Association riri kubatana neruzhinji rwenyika mukupembere razuva guru remwana wemuAfrica iro rakasendekwa parutivi kuti ringe richicherechedzwa apo tinorangarira vana vakafa zvisina tsarukano kuSoweto, kuSouth Africa vachiratidzira kuipa kwehudzvanyiriri hwemabhunu mugore ra1976.Dingindira regore rino rinoti “Kurwisana nekunetseka muAfrica: Kuchengetedzwa kwekodzero dzevana vose”.
Chikamu chebumbiro remutemo weZimbabwe Section 81 chinoti mwana munhu wose ane makore ari pasi pe18 okuberekwa uye izvi zvinoenderana nechikamu chepiri chemutemo weAfrican Charter on the Rights & welfare of the Child. Panguva imwe chete iyi, bumbiro remutemo rinocherechedzawo kodzero dzakasiyana dzevana dzakadai sekuremekedzwa kwekodzero yavo yeupenyu.
Bumbiro remutemo rinotarisa zvakare kumbunyikidzwa kunoitwa vana nenzira dzakasiyana muchikamu cheSection 81. Chikamu cheSection 81(2) chinotarisa zvakakoshera vana munyaya dzose dzine chekuita navo.
Mwana mumwe nemumwe ane kodzero dzake dzedzidzo, utano nekuti ange achidzivirirwa kubva kumhando dzose dzekumbunyikidzwa. Chikamu ichi chinoenderera mberi nekuona kuti kodzero dzevana nezvido zvavo zvatariswa uye kuti nhaka yenyika iri mumawoko evana vemuAfrica.
Zimbabwe sedzimwe nyika, inoratidza kuti donzvo rayo kusimudzira kodzero dzevana nekukosheswa kwadzo. Musi wa19 Ndira mugore ra1995 uye 11 Gunyana 1990, Zimbabwe yakakumikidza gwaro reAfrican Charter iro rinosimudzira kodzero dzevana.
Kugadziriswa kwemitemo iyi kwakakoshera vana zvikuru muraramo yavo.
Kodzero dzinocherechedzwa nemitemo iyi dzinosanganisira kuti vana vange vachizivikanwa nemazita ekuberekwa, kodzero dzekuti vanzwikwe pfungwa dzavo nekuve nezvitendero zvesarudzoyavo. Chikamu 46 chebumbiro remutemo chinoti panofanirwa kuve nekunzverwa kuzere maringe nekuchengetedzwa kwekodzero dzevana kuburikidza nemitemo yepasi rose iyo Zimbabwe inove bandiko.
Tinoda kutora mukana uno kuti:
Tikurudzire Hurumende yeZimbabwe nevagari vemo kuti vatevedze mitemo iri mubumbiro remutemo inochengetedza kodzero dzevana nekudzitsigira. Tiri kurwisa nyaya zhinji dzemhirizhonga, zvikuru dzine chekuita nekumbunyikidzwa kwevana nekuroodzwa kwavo.
Tiri kumbira kuti mitemo inge ichifambirana nebumbiro remutemo kutizera rekuroorwa kana kuroora ringeriri makore 18 zvichikwira.
Chinyorwa chino chakabva kuna Fiso Ncube (Transformative Justice Department)
Zimbabwe Women Lawyers Association (ZWLA)
Kana muine mibvunzo kana zvimwe zvamunoda kuziva munogona kutumira mashoko enyu padandemutande rinoti:[email protected] kana panhamba yeWhatsApp inoti 0777 828 201, tinokupindurai.
Panyaya dzemhirizhonga fonai panhamba iyi pachena 08080131
hotlines 0776736873/0782900900



