Kupisa: ‘Ngwarirai zvirwere’

BAZI rezveutano riri kuyambira veruzhinji kuti vangwarire zvirwere zvinogona kukonzerwa nekupiswa nezuva kwakanyanya, zvakaita segomarara reganda.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Portia Manangazira, vanoti kune matenda akawanda anounzwa kupisa kwezuva kwakanyanya.

Chenjedzo iyi inotevera yambiro yakaitwa nebazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department, yekuti zuva rinogona kupisa zvakadarikidza zvekusvika pakati pe35 ne45 degrees celsius kune mamwe matunhu enyika, kunyanya kunzvimbo dzakadzikira seKariba, Chiredzi, Binga neBeitbridge.

Dr Manangazira vanoti kupiswa kwakanyanya nezuva kunokonzera matambudziko akaita sekutemwa nemusoro, dzungu, kupera simba, kufenda, kukwira kana kuderera kweBP, kumera mapundu paganda (heat rash), kudikitira kwakanyanya uko kunoita kuti vanhu varasikirwe nemvura yakakosha mumuviri nezvimwe.

Kupisa kunokonzerazve kuoma kwemitezo (heat stroke) nekuti kunoita kuti ropa risafamba zvakanaka uye vamwe vanhu vanopedzisira vave kugwinha-gwinha sepfari.

Dr Manangazira vanoti kupisa uku kana kukaramba kuchienderera kunogona kukonzera zvirwere zvegomarara reganda.

Kuburikidza nekupisa kwakanyanya, vamwe vanoenda pakoma voita sekunge vafa uye kunokuvadza dzimwe nhengo dzemuviri dzakaita sechiropa, moyo netsinga dzeropa.

Vanhu vanogona kurasikirwa neupenyu nekuda kwekupisa kwakanyanya.

Vakwegura nevana vadiki vari nyore kukanganiswa nekupiswa nekuda kwekuti masoja emumuviri yavo ayo anorwisa zvirwere anenge asina kusimba zvakanyanya.

Zvingaitwe kana kwapisa zvakanyanya:

Vanhu, mhuka pamwe nezvirimwa zvinofanira kugara zviine mvura yakakwana.

Pwere nevakwegura vanofanira kucherechedzwa kuti vange vachinwa mvura yakawanda nguva nenguva.

Vanhu havafaniri kumirira kunwa mvura kana vachinge vave nenyota bedzi.

Zvinwiwa zvakaita sedoro kana kuti zvine doro mukati hazvikurudzirwi nekuti zvinobatsira mukusveta mvura yemumuviri.

Mvura inonyanya kutonhora haikurudzirwi zvakare nekuti ikogona kukonzera marwadzo mudumbu.

Vanhu vanokurudzirwa kugara panzvimbo dzine mumvuri uye dzinotonhorera dzichifefetera mhepo.

Zvakakosha kupfeka mbatya dzinodzivirira zuva senguwani, maboni-boni, dzinofefetera uye kuzora mafuta anotanda zuva (sunscreen lotions).

Zvinokurudzirwa kuita mabasa akareruka nekumbomira kuita zvinonetesa sekumhanya.

Kudya nguva nenguva kunopawo simba.

Kana pachinge paita zvigozhero, veruzhinji vanokurudzirwa kutsvaga rubatsiro kunanachiremba nenguva.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *