‘Kuramba munhu imhosva here?’

MUKOMANA wekurambwa nemusikana waaidanana naye anonzi ave nekatsika kekumukurura shangu, odzicheka-cheka nebanga, mushure mezvo omurikita pamberi pehama dzake. Rutendo Chihoko akamhan’arira Alois Sande kudare redzimhosva reHarare Civil Court achiti ari kumushaisa mufaro.Chihoko akaudza mutongi wedare iri, Gamuchirai Siwardi, kuti: “Mambo wangu, ndauyawo kuno nekuti upenyu hwangu hwave parumananzombe nemukomana wandakambodanana naye uyu. Ane tsika yekuuya kumba kwedu achindirova pamberi pehama dzangu. Handizive kuti kurambana imhosva here?”

Chihoko akaenderera mberi achiti Sande akamuona achifamba mumugwagwa anomubvutira shangu dzake odzicheka-cheka nebanga.

“Anondidzingirira, uye akandibata anonditorera shangu dzangu onodzicheka nebanga ozondidzorera. Paanodzidzora kumba kwedu ndipo paanondirova pamberi pehama dzangu.

“Ndave kutotya kumira neshamwari kana hama mumugwagwa nekuti akangondiona, anotondishungurudza. Ndinokumbirawo dare kuti rindidzivirirewo kumurume uyu nekuti dai vose vanorambana vachidai, zvaisambonakidza munyika muno,” akadaro Chihoko.

Sande haana kuenda kudare kuti apewo divi rake.

Mutongi Siwardi akapa Chihoko gwaro redziviriro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *