WANANO yevechidiki inosanganisira kuroorwa kana kuroodzwa kwevana vari pasi pemakore 18 ekuberekwa. Wanano idzi dzinogona kuitika vana ivavo vazvipira kana kuti vachimanikidzirwa. Wanano idzi dzinosanganisira vadiki nevakuru kana kuti kuroorana kwavo ivo vadiki pachavo. Vose vanokanganiswa newanano dzemhando iyi asi mwanasikana ndiye anonyanya kukanganiswa. Kune mitemo yakawanda inotaura nezvewanano uye kuti iye mwana mudiki anenge akamira sei. Mwana anotorwa semunhu ane makore ari pasi pe16 ekuberekwa asi pane dzimwe nguva anonzi ayaruka anotorwa semunhu ane makore 18 okuberekwa nokudaro hazvisati zvave pachena.
Bumbiro remutemo wenyika rinoti hakuna munhu anofanira kupinda muwanano nenzira yekumanikidzirwa kana kuripiswa ngozi. Rinoti zvakare munhu wose anenge asvika makore 18 ekuberekwa ane kodzero yekupinda muwanano kana kutotangisawo kuita mhuri. Imhosva inotoendesa kujeri kuti vana vange vachiroodzwa nenzira yekuripiswa ngozi kana kumanikidzirwa pasi pemutemo weCriminal Law and Reform Act uye iyi imhirizhonga kuvana.
Pamutemo wekare (general law) munhu wose ane makore 16 ne18 aive nekodzero yekupinda muwanano. Nekune rumwe rutivi mutemo weCustomary Law Marriage Act hauna muganhu panyaya yemakore ewanano izvo zvinoita kuti vana vange vachiroorwa kana kuroora vasati vayaruka. Asi zvichireva kuti kupinda munyaya dzepabonde nemunhu ari pasi pemakore 16 okuberekwa kana muwanano imhosva.
Mitemo yakasainiranwa nenyika dzemubatanidzwa weUnited Nations inoona nezvekodzero dzevanhu yeConvention on the Elimination of Discrimination against Women (CEDAW) inoti munhu wose, angave murume kana mukadzi, ane kodzero yekutangisa kuva nemhuri yake kana achinge ayaruka. Mutemo uyu unoti zvinofanira kuitwa nekuda kana nesarudzo yemunhu.
African Charter on the Rights and Welfare of the Child inoti wanano yevana haitenderwi. Nokudaro Hurumende yakapa makore 18 ekuberekwa saiwo akakodzera kuti munhu anzi anenge ave kukodzera kupinda muwanano achiitawo sarudzo dzake dzeupenyu.
Izvi zvakaonekwa zvichideredza dzimwe tsika nemagariro akashata izvo zvaibatsira mukuroodzwa uye kudzvanyirirwa kwevana munyama nemupfungwa kuti vange vachiita sarudzo dzavo dzewanano.
Bumbiro idzva remutemo wenyika rinorambidza nyaya dzekuroodzwa kwevana nedzimwe tsika dzakashata idzo dzinotevedzwa nezvimwe zvitendero kana nechivanhu.
Ibasa remunhu wose kuti ange achimhan’ara paanenge aona kana kuva nefungidziro yekuti pane nyaya dzine chekuita nekuroodzwa kwevana.
Zvinyorwa izvi zvakabva kuna Isabel Mapingure, Palasida Legal Officer.
Makasununguka kutumira mibvunzo kana mafungiro enyu padandemutande nepanhamba dzinoti [email protected], 0777 828 201 tinokupindurai. Tarisirai rumwe ruzivo pamusoro pezvemitemo mubepanhau reKwayedza remusi weChina resvondo rinouya.Ngatikurukurei nezvemutemo.




