Zvipfuyo zvakarasika zvotengeswa

cattleKingstone Mapupu
ZVIPFUYO zvakarasika ndokushaya varidzi kunharaunda yekanzuru yeManyame kuMashonaland East zvichange zvichitengeswa kuruzhinji munguva pfupi iri kutevera.Mashoko aya akataurwa nachamangwiza wekanzuru yeManyame Rural District Council, Mai Farirai Guta, vachiti mombe idzi dzinosvika gumi neshanu dzichange dzichitengeswa musi waZvita 12.

“Semakore ose tinowana nguva yatinotengesa zvipfuyo zvinenge  zvarasika zvashaya varidzi vazvo nekudaro gore rino tiri kutengesa mombe chete dzinokwana 15 zvakasiyana nemamwe makore apo tinombotengesa nezvimwe zvipfuyo kusanganisira mbudzi nemakwai. Ikurudziro yedu sekanzuru kuti varimi vakakomberedza nzvimbo yedu yeManyame kuti vapote vachichengeta zvipfuyo zvavo,” vakadaro Mai Guta.

“Mombe dzatichatengesa idzi dzinosanganisira matsiru, madhonza nemhou saka tinoti nguva yemusi wekutengesa iyi isati yasvika vanhu vakasununguka kuenda vachinotarisa mombe idzi kuti hapana dzavo here kune vanenge vakashaya zvipfuyo zvavo,”  vakadaro Mai Guta.

Vanoti vane dambudziko guru rezvipfuyo zvinorasika mudunhu ravo sezvo nzvimbo yavo iine mapurazi kubva kuMarirangwe, Beatrice, Muda, uyewo nemaruwa anosanganisira kwaSeke uko vakati kunobva zvipfuyo zvinenge zvarasika zvichizochengetwa.

Muchirongwa ichi vanoshanda pamwe chete nemapurisa, masabhuku nemadzishe pakusarudza mombe nezvimwewo zvipfuyo zvinenge zvarasika zvashaya varidzi.

Mai Guta vakakurudzira kune vanhu vanenge vachida kuziva zvakawanda pamusoro pechirongwa ichi kuti varidze nhare panhamba dzinoti (065)  218 kana 239.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×