KUSUNDA MIMBA URI MUCHIKORO: Mutemo mutsva wobvumirwa . . .

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI pamwechete nemasangano anomirira varairidzi vari kupa mafungiro avo akasiyana zvichitevera kudzikwa kwemutemo weEducation Amendment Act uyo unorambidza kudzingwa kwevananasikana vanenge vamitiswa vachiri pachikoro uye kuti vadzidzisi havatenderwe kuranga vana vechikoro nekuvarova.

Pasi pemutemo uyu uyo wakadzikwa svondo rapera hapana mwana achadzingwa chikoro nekuda kwekuti aita pamuviri kana kutadza kubhadharirwa mari yechikoro. Pamusoro pezvo, varairidzi havatenderwe kurova vana vechikoro uye vakuru vezvikoro vanosungirwa kuve nedzimwe nzira dzekurangana nadzo vana vachishandisa gwara ravanopihwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema, vanoti vanofara zvikuru nemutemo uyu.

“Mutungamiriri wenyika vachangobva mukusaina mutemo wedzidzo uye ndinovimba uchaunza shanduko munyika,” vanodaro.

Votaura pamusoro pemutemo uyu, Dr Sifiso Ndlovu avo vanova chamangwiza wesangano reZimbabwe Teachers Association (Zimta) vanotsigira mutemo uyu.

“Kurohwa kwevana kunopa kushungurudzika mavari uye kubvumidza vana vane pamuviri kuti vaenderere mberi nedzidzo kunoratidza kukosheswa kwekodzero dzavo,” vanodaro. VaRaymond Majongwe, vanova munyori weProgressive Teacher’s Union of Zimbabwe, vanoti vamwe vanhu vanogona kutora mukana uyu kushungurudza vanasikana zvisinei nekuti mutemo uripo pakuchengetedza kodzero dzavo dzedzidzo.

“Pane mamwe matanho anofanira kuiswa muzvikoro, kunyanya pakusarohwa kwevana nekuti vamwe vanogumisira votora zvinodhaka vachiziva kuti havarohwi,” vanodaro.

Mai Tinotenda Chingwetu vekwaMutoko vanoti vanasikana vanofanira kufunda zvisinei nekuti vanenge vamitiswa.

“Vanasikana vazhinji vanosarira mudzidzo yavo apo vanoti kana vamitiswa vonzi vagare kudzimba asi vakomana vachienderera mberi nedzidzo. Kuenzaniswa kwemikana kunosanganisira dzidzo.

“Asi mutemo uyu haurevi kuti vana vanofanirwa kuzomitiswa zvisina tsarukano. Kana zvichinge zvaitika setsaona, hongu ngavafunde asi vapari vemhosva ngavasungwe nekuti vangatotora mukana uyu,” vanodaro.

Kuchiti Muzvare Rumbidzayi Nyamundaya anoti, “Vana ngavapihwe mikana yakaenzana yedzidzo uye Hurumende inofanira kuvamba homwe inozoshandiswa mukutsigira mwanasikana anenge amitiswa ari pachikoro kana vabereki vake vakundikana kumuriritira.

“Zvakakosha kuti pavewo nechikoro chakazvimiririra chinotarisa nyaya dzevana vanenge vamitiswa uye kiriniki yavo. Varairidzi vanofanirawo kufundiswa mabatiro avanozoita vana ava,” anodaro.

Panyaya yekusarohwa kwevana, anoti varairidzi vanofanirwa kupihwa kodzero yekuvarova zvakafanira, kwete kuzoponda.

Mai Cathrine Murombedzi vanoti hazvisi nyore kuti vanhu vangotambira zvinhu zvitsva, asi zvinogona kutora nguva uye zvichidawo dzidziso.

“Urwu rwendo rwunorwadza, asi panyaya dzekurohwa kwevana ini hangu handidi zvachose. Ndakambotsiura mumwe murairidzi aive nekatsika kekurova mwana wangu nekuti kurwadzisa nyama sandiko kunosandura hunhu hwemunhu.

“Panyaya yepamuviri pevadzidzi, kare taiona vana vanobva kumhuri dzakabudiririra vari ivo vanotenderwa kudzokera kuchikoro asi vevarombo dzidzo ichibva yangoperera ipapo. Vana vevapfumi vanowaniswa mukana wekubara, voendeswa kuchimwe chikoro asi vevarombo vanogara kumba kana kuroodzwa,” vanodaro.

Mai Murombedzi vanoenderera mberi: “Danho iri rakanaka nekuti rinogona kurerutsa ndima apo vana vanozotya kusekwa mushure mekuona vamwe vavo vachiuya nenhumbu kuchikoro saka chinogona kuzova chidzidzo chichaderedza nyaya dzekumitiswa kwevana vachiri pachikoro. Vana ngavapihwe dzidziso maringe nenyaya dzekuyaruka kuti vasazomitiswa vasina ruzivo.”

VaGodknows Chirandu (44) vekuHighfield, muHarare, vanotiwo hazvikodzeri kuti vana vafunde panguva yavanenge vakazvitakura.

“Hongu mutemo wadzikwa, asi ndiyani mubereki anobhadharira mari yechikoro mwana ane pamuviri? Kana mwana aita pamuviri anenge atozviita munhu mukuru saka anofanira kuperekedzwa kumurume wake, ndiye anenge oona zvose zvinodiwa kusanganisira dzidzo,” vanodaro.

Praleen Foroma (13), uyo anodzidza paSeke 5, kuChitungwiza anoti, “Chakakosha kuti isu sevana tizvibate nekuti kuzofunda uine mimba hazvinyatsoita. Uchada kusonerwa yunifomu yemateneti, iwoyo mutoro kuvabereki. Uchange uchirutsa-rutsa nekungosvipa uri muchikoro saka handifunge kuti mamwe maticha nevana vechikoro vangazvifarira.

“Unogonawo kukotsira uri muchikoro nekudaro mikana yekudofora yakawanda nekuti uchati kunetswa nemabhuku kozoti mimba yacho. Rusarura rwunowanda asi kana zvaitika hazvo ndinoti munhu ngaadzidze kuti asasarire kumashure nevezera rake.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×