Kusunga dhuku: Yanga yakaipei?

1506-3-1-MADHUKU

MUNGAONE vanhukadzi mazuva ano vakasunga madhuku mukafunga kuti pamwe kuteta chando. Vamwewo maifunga kuti kusunga dhuku ndezvavanhu vakasara nechizvino-zvino, vamwe vafundisi veshoko raMwari vachiti inzira yokusungira vhangeri mudhuku.Asi kwete!

Muongororo yatakaita masvondo apfuura takaona nyaya yekusunga madhuku yave kungotaurwa-taurwa, uyewo kuti zvave pachena kuti sevhudzi remhotsi, dhuku rapinda mufashoni zvakare, zvokuti kurudziro yacho iriko kuvakadzi vechidiki nevechikuru muAfrica yose.

Dr Nkosazana Dlamini-Zuma, sachigaro weAfrican Union, vanowanzosunga dhuku, vakaita kurudziro iyi kumadzimai ebato reAfrican National Congress. Kurudziro yavo yainge munhu ari kuti, “Madzimai, huyai tisungirire musangano wedu, ungaende.”

Kwete kuti vanhu vakange vasingasunge madhuku, asi izvi zvave zvinhu zvitsva zvinoumba hunhu hwomunhukadzi womuAfrica. Hazvina kuti uri mudzimai anotarisirwa pasi kana kwete, dhuku riri kukurudzirwa kusungwa.

Regai izvi zviri zvimwe zvinotariswa pamakwikwi eKwayedza African Woman of the Year. Kuri kukurudzira mapfekero ane mutsigo omuAfrica.

Kune vasina ruzivo nazvo, dhuku raisungwa nemadzimai akawanikwa, abve zera, navaya vanenge varoorerwa, vanenge vachiti hazviiti kuti misoro yavo, kunyange yakagadzirwa zvakanaka, ionekwe navakuwasha.

Izvi zvainyanyoitwa namadzimai ari kudzimba, zvinove zvaivapa chiremera, uyewo nokupa musha wavo chiremera. Vanoenda kumabasa zvemadhuku kwange kusina, kunze kwokunge riri bhizinesi rako, kana kuti uchishanda basa romumba, dhuku iri yunifomu.

Nedhuku rako, kana uri kupi zvako unobva wangonhongwa, wozivikanwa kuti uri wokuAfrica.

Kana muri vanobva kunyika dzakasiyana-siyana dzomuAfrica, masungiro akaitwa dhuku anoudza vanhu kuti uri wenyika ipi. Muenzaniso ndewamadzimai okuWest Africa, Nigeria neGhana kunyanya, vanosunga madhuku nemitoo inonwisa mvura.

Dhuku rokuSvondo nedhuku risiri zvaibva zvangoonekwa. Kune mamwe marudzi, kasungirwo kedhuku kanoratidza kuti wakawanikwa here kana kwete.

Vamwe vangafunga kuti madzimai echitema pamwe anovanza vhudzi ravo, asi handizvo, nokuti dhuku rinopa mutsigo. Tarisai bedzi madzimai anopinda makwikwi okupfeka anoitwa neKwayedza. Mamwe madzimai vanotadza kuutora mukombe nokuti vanenge vakasiya ichochi chishongo chedhuku.

Pane makore apfuura, madzimai aida kumhanyira zvechizvino-zvino, asi chokwadi ndechokuti kugadzira vhudzi zvamazuva ano, zvinodhura, uyewo hazvikupe hunhu hwako chaihwo.

Vamwe vanoti dhuku rakaunzwa navachena. Hongu, asi kana richipa chiremera chakaipa chii? Kana iwo madzitategugu vakange vasina zvavaishonga mumisoro yavo here?

Nziyo dzakatomboimbwa nenyaya yamadhuku nokukosha kwawo wani: Chikwama change chaoma iwe / Changosara tiki (tickey) yoga / Tiki yoga yokutenga / Yokutenga dhuku ragu . . .

Mufananidzo waperekedza chinyorwa, tautora padandemutande reInternet kuratidza masungirwo edhuku, uyewo kuti kana vasikana vechidiki vave mazviri.

Related Posts

Murume (25) aponderwa pabhawa

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 25 okuberekwa wekwaSabhuku Mbombela kwaMambo Malisa kuSilobela, kuKwekwe akapondwa achiita zvekutemwa mumusoro nebhodhoro redoro nemumwe murume pabongozozo remubhawa. Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika panzvimbo…

Mabvazuva Choral Group yazviita zvakare

Abel Ndooka CHIKWATA chenziyo dzechitendero chine mukurumbira cheMabvazuva Choral Group hachisi kudzokera shure murwendo rwekutendeutsa vanhu zvichitevera kubura kwachakaita dambarefu idzva rechipfumbamwe rinonzi ‘Mibvunzo Yenhando’. Dambarefu idzva iri rine nziyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×