Vaimbi ngatibatanei: Mutodi

Tich Mutodi
Tich Mutodi

MUIMBI weAfro-Pop neJazz, Tich Mutodi, uyo anotsigirwa nechikwata cheNzukwa Identity Band okurudzira vaimbi vemusambo uyu pamwe nesungura kuti vabatane pakuita mashoo nedonzvo rekusimudzirana. Panguva iyo kushomeka kwemari munyika kuri kutadzisa vamwe kuita mashoo, Mutodi anoti vaimbi vose vakabatana pakuita mashoo zvinogona kuvabatsira sezvo vatsigiri vachiuyawo vakawanda. “Hatingade kunyeperana, zvinhu hazvina kumirira vaimbi vakawanda zvakanaka parizvino kunyanya isu tinenge tichisimukira, kushaikwa kwemari kuri kudzorera basa redu kumashure.

“Vaimbi vemisambo yakasiyana tikaronga mashoo edu takawanda zvimwe zvingatibatsire tose tikawana mukana wekuridza kwete kuti ini ndiri kuridza apo mumwe ari pabhawa rimwewo.

“Semuenzaniso, tarirai vapfana veZim-dancehall vanoridza vakawanda uye kumashoo kwavo kunogara kwakazara saka tikaita zvimwewo isu vesungura nejazz ndinoona tichibudirira zvikuru,” anodaro Mutodi.

Mutodi – uyo anozivikanwa nenziyo dzake dzakaita mukurumbira dzinoti Mbona-Mbona, Ndapera Nyasha naBabamukuru dziri padambarefu rake rekutanga rinonzi Ndapera Nyasha – parizvino ari kunetsa nekambo kanonzi Zadza Mukombe.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×