Kutengeswa kwemacadamia kunze kwenyika kwakwira 77pc

Lovemore Kadzura

CHIKAMU chezvekurimwa kwemiriwo nemichero (horticulture) chiri kuramba chichisimukira, izvo zvinoonekwa pakutengeswa kwakaitwa neZimbabwe nzungu dzemhando yemacadamia kunze kwenyika, uko kwakakwira nechikamu che77 percent.

Kudiwa kwenzungu dzemhando iyi pamusika wepasi rese kuri kuwedzera, zvichitevera kuwanda kweruzivo pakati pevoruzhinji rwokuti chirimwa ichi chinopa utano.

Musika wemacadamia pasi rose wakakura kusvika paUS$1,58 bhiriyoni muna 2022 uye unotarisirwa kuwedzera nechikamu che9,3 percent pagore kubva 2023 kusvika 2030.

Macadamia inzungu dzine mafuta emhando yemonounsaturated uye dzinobatsira zvakanyanya panyaya yekusimudzira utano.

Vamwe vanoshandisa mafuta anosvinwa kubva muchirimwa ichi pakubikisa, vamwewo vachichidya chakadaro.

Nyika dzakadai sedziri kuAsia-Pacific neChina ndidzo dziri pamberi mukutenga nzungu dzemacadamia.

Varimi vazhinji vanosimbaradza nhau yekurima chirimwa ichi nekuda kwekuti chiri kutengwa zvakanyanya mumisika yemuno nekunze.

Mugore ra2024, Zimbabwe yakatengesa matani emakadamia anosvika 1 620 kumisika yenyika dzeEuropean Union, China, South Africa neUnited Arab Emirates.

Nzungu dzerudzi urwu dzakawanda dzinorimwa mudunhu reManicaland, munzvimbo dzinosanganisira Honde Valley, Chimanimani neChipinge — uko chirimwa ichi chinokura zvakanaka nekuda kwevhu rakanaka reko pamwe nemamiriro acho ekunze.

Mukuru weHorticulture Development Council, Muzvare Linda Nielsen, anoti “Kuwedzera kwekutengeswa kwemacadamia kune dzimwe nyika kunokonzerwa nezvinhu zvinosanganisira rutsigiro rwakakura kuvarimi kuburikidza nekudzidziswa uye kuwana zvekushandisa. Sezvo chirimwa ichi chichipa utano, tinotarisira kuti Zimbabwe iwandudze marimiro.

Vanoenderera mberi vachiti “Mumakore mashanu adarika, takaona nzvimbo dzinorimwa macadamia dzichiwedzera zvishoma nezvishoma uye kuwedzerwa kwezvirongwa zvekutsigira varimi, kusanganisira vadiki. Mikana yekudyara iripo mukuwedzera madiridziro nemagadzirirwo emiti, pakati pezvimwe. Macadamia chirimwa chenguva refu.”

“Zimbabwe yakakwanisa kupinda mumusika weEuropean Union pasi pechibvumirano cheEconomic Partnerships Agreement kubva muna 2012. Asi kuti indasitiri iwane mari yakakwana, inoda mitemo yezvehupfumi inosimudzira upfumi hwenyika.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *