Mukwasi hutu nemukombe

Abel Ndooka

MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Adam Mukwasi (18) — akadadisa svondo radarika apo akavhoterwa kuve Player of the Tournament pamutambo we2025 Sunningdale 6 Team Invitational Tournament muHarare.

Mutambo uyu waive nezvikwata zvitanhatu zveku- Sunningdale uye wakarongwa nechinangwa chekusimudzira vatambi vechidiki.

Absa FC, chinova chikwata chinotambirwa naMukwasi, ndicho chakahwinha mukombe wemutambo uyu zvichitevera kukunda kwachakaita Crossover 2-1 mufainari.

Matambiro akaita Mukwasi murwendo rwechikwata chake kuenda kufainari uye kuzosimudza kwachakaita mukombe wemutambo uyu zvakaita kuti avhoterwe kuve Player of the Tournament.

“Ndinonzwa manyukunyuku nechiremerera chikuru ichi uye zvinhu zvinofadza kusarudzwa kuti ndini Player of the Tournament pane vamwe vatambi.

“Asi ndakazvininipisa zvangu nekuti kuti chiremerera ichi chiuye kushanda kwatakaita nesimba nevamwe vatambi vemuchikwata chedu.

“Ndinotenda zvikuru vamwe vandinotamba navo nekuti tinotamba sechikwata,” anodaro.

Mukwasi anoti mune ramangwana anoda kuzotambira zvikwata zvikuru zvinosanganisira Dynamos FC uye kuzoendawo kunze, kunyika dzakaita sedzekuEurope.

Iye zvino ari kuita zvidzidzo zveO Level.

Ari kutarisira kutanga kutamba muPremier Soccer League (PSL) gore ramangwana.

“Tarisiro yangu kuda kuzotambira muPremier Soccer League gore rinotevera nekuti gore rino ndiri kumboita zvemabhuku. Ndiri kunyora bvunzo dzangu dzeO Level gore rino, saka kana ndichinge ndapedza, ndinoda kubva ndatanga kutamba muPSL.

“Kana zvikafamba zvakanaka, shuviro yangu kutambira zvikwata zvakaita seDynamos nekuti ndiyo iri pamwoyo wangu. Ndinoziva kuti ndikanyatsotamba zvinonwisa mvura ikoko mune remangwana mikana ikavhurika ndinokwanisa kuenda kunze kwenyika,” anodaro Mukwasi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *