Makore 2 mujeri akweva ropa remwana

Latwell Nyangu naPriscilla Zengeni

MUDZIMAI wekuGokwe akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri mushure mekubatwa nemhosva inokatyamadza yekukweva ropa kubva kumwana wechikoro ane makore 10 okuberekwa achishandisa tsono.

Akabva aisa ropa racho pamuchina unovheneka HIV.

Mudzimai uyu, Mavis Sibanda, akasungwa neMuvhuro.

Akamiswa mudare reGokwe Magistrates Court ndokubatwa nemhosva yekukanganisira mwana uyu.

Sibanda, uyo anoita basa rekutengesa pamusika,   akakumbira dare kuti anzwirwe tsitsi achiudza mutongi kuti ane vana vaanochengeta.

Sibanda achapedza makore maviri achidya refovhoro.

Nyaya iyi, iyo yaita kuti asungwe, yakaitika mangwanani emusi weMuvhuro pedyo neSai Mart Supermarket muGokwe CBD.

Akadaidza mwana weGrade 5 pamusika wake achibva akumbira chigunwe chake chekurudyi   ndokumubaya netsono inotora ropa, iro akaisa pamuchina unoongorora HIV.

Mwana uyu akataura nyaya iyi kuvarume vaviri vaakasangana navo munzira avo vakaenda naye kumba kwevabereki vake ndokunoudza baba vake.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa izvo zvakaona Sibanda achisungwa.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *