MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri mukadzi ane makore 27 ekuberekwa, ndakawanikwa asi handisati ndave nemwana.
Dambudziko rangu nderekuti kana ndasvika nguva yangu yepamwedzi ndinoita mavhiki matatu akakwana.
Ndambofamba kwakawanda kuti ndiwane rubetsero rwekuti ndidimburwe mazuva asi zviri kuramba. Hamunawo zvamunoziva here zvinoita kuti dambudziko rangu ripere. Ndokufunga kuti pamwe ndizvo zviri kunditadzisa kuita pamuviri.
Jessica Moyo.
Kwekwe.
MHINDURO:
Dambudziko rako muzukuru harina kuoma zvakanyanya. Kune vamwe rinowanzoitika kune vaya vanobisa nhumbu kana vaya vanotanga kunwa mapiritsi vachiri vasikana.
Ndinokukurudzira kuti uenda kunoona chiremba uya akadzidzira kuongorora vanhukadzi anonzi gynocologist.
Unyatsotsanangura zvose zviri kuitika pauri, ndinoona uchibatsirika. Usaverengera ndapota nekuti zvinodzinga murume nekuti munzvimbo dzokuti aite bonde kwemasvondo matatu ari kuita svondo rimwe chete, handioni chiri chinhu chakanaka.
Pamuviri panotoramba nekuti mazai ako haasi kuwana mukana wekuti aumbwe kuti achisangane neemurume wako.
Pamazuva manomwe iwaya hapana chinoumbika muzukuru. Chimbidza kuenda kwachiremba.
Tete.




