Ernest Muchena
IMHOSVA kutyaira motokari kana mudhudhudhu usina chitambi. Hunhu hwakashata uye unogona kupinda munjodzi inokuvadza kana kuuraya iwe, mudiwa wako, hama neshamwari kana mumwewo munhu. Kuti munhu atyaire motokari anofanirwa kuva nemakore gumi nematanhatu okuberekwa pamotokari diki nemidhudhudhu, makore gumi nemasere (18) pamota hombe kana tarakita uye makore makumi maviri nemashanu (25) pamota dzinotakura vanhu kana zvinhu (public service vehicles).
ZVINODIWA:
Kuti unyore bvunzo rekuva mutyairi unofanirwa kuve nezvinotevera:
* chitupa chako chepepa kana cherata kana pasipoti ichiri kushanda
* mifananidzo yako ichangobva mukutorwa
* mari yacho yebvunzo.
Gadziriro:
Gadziriro yebvunzo rekuva mutyairi inoda kuti mudzidzi arave gwaro reHighway Code. Gwaro irori rine mitemo yemumugwagwa inofanirwa kudzidzwa zvakasimba. Highway Code ibhuku rakanyorwa uye rinovandudzwa nesangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe.
Pane ndururani dzave kunyora adzo mabhuku enhema. Vamwe vanotora iroro voisa pamuchini vodhinda avowo zvisiri pamutemo. Dzimwe ny’any’a idzodzo hadzina kana zvitambi asi vanonyora tumwe tumabhuku twavanonyepa kuti tuchaita kuti mudzidzi apase. Ko ivo vanodii kupasa natwo tumabhuku twacho?
Kuverengera bvunzo:
Zvinotoda nguva yakati kuti kuti unzwisise zvese zviri mukabhuku ikako keHighway Code. Mune mitemo yakati kuti uye masaini anofanirwa kuzivikanwa nemudzidzi wemotokari. Hazvisi zvekungoita masiyandaita nekuti ndirwo ruzivo runozoshanda munhu ave pamugwagwa.
VeTSCZ nedzimwe nguva vanotomboita zvidzidzo zvekubenengura Highway Code iroro kusvika vadzidzi vanzwisisa. Zvidzidzo izvozvo hazvibhadhariswe. Chenyu kurongana moita chikwata chingave chemadzimai, chevarume, chepakereke kana imwe ungano. Madaro munochironga pekuitira, nguva nezuva racho.
Imwe nzira kuenda kuzvikoro zvekutyaira modzidziswa mitemo muchishandisa Highway Code. TSCZ inotarisira dzidziso yemandorokwati kubva kuvarairidzi vepamaDriving Schools. Mungwarire kutumirwa bofu kunomema hunza, mave kudzidziswa nemunhu asina kudzidzira basa rehudzidzisi. Iyoyi imhosva huru uye mukadzidziswa nemunhu anotaridzika kusava neruzivo torai zita rake mozivisa veTraffic Safety Council vari pedyo kana munyori uno panhamba dziri pasi pechinyorwa chino.
Musi webvunzo:
Ukange waenda kunonyoresa kuti upinde mubvunzo kuVID unopihwa zuva nenguva yekuuya kuzonyora bvunzo. Dzimwe nguva unogona kunzi musi iwoyo kana hofisi iyoyi isina kuremerwa nebasa.
Unosungirwa kuuya nechinyoreso cheruvara rutema (black) kana rwedenga (blue). Ivo ndivo vanozomaka nechinyoreso chitsvuku naizvozvo mudzidzi haanyore nechinyoreso chitsvuku.
Bvunzo iri rinonyorwa nemaminitsi masere uye pane mibvunzo makumi maviri nemishanu. Mibvunzo ndeiya yesaruraude zvichireva kuti inyore-nyore. Kana wakunda unopuhwa chitambi chenguva diki (Provisional Drivers Licence) kwegore. Kwegore rose unobvumidzwa kutyairi asi uine mutyairi akakwana pedyo newe achikuraira nekuoongorora zvauri kuita. Ndicho chitambi chaunoenda nacho kuchikoro chevatyairi (driving school) kunokwenenzverwa nekudzidziswa kutyaira.
Kuchikoro kwevatyairi (driving school):
Zvikoro zvevatyairi zvinonyoreswa nekuongororwa neveTSCZ. Naizvozvo wose anoda kuenda kuzvikoro izvozvo anokwanisa kuenda pamahofisi eTSCZ ari pedyo otarisirwa mubakwa (database) kuti kune chikoro chakadaro here uye chakamira sei. Kuchikoro ikoko kunodiwa bhuku remudzidzi rinonzi Student Driver Handbook vamwe vonenedzera vachiti “Green Book” vaona ruvara rwacho.
Kuchikoro, mudzidzi anonodzidziswa kutyairi vachitevedza marongerwo azvakaitwa neveTSCZ. Izvi zvinotora nguva yakati kuti asi zvinoenderanawo nemabatiro anoita iwe mudzidzi.
Wadaro, murairidzi anozokuudza kuti waibva. Ndiye anokupa zano rekuti patava apa chiendai munopihwa musi webvunzo nenguwa yacho.
KuVID:
Kekupedzesira unoenda kuVID kuti unoita bvunzo yekutora chitambi chaicho icho. Iri ibvunzo rekutotyaira wakatariswa kese kauchaita. Kana usati waibva unobatwa nemhosho dzaunoita musi iwoyo. Ukatyaira zvemandorokwati aiwa unopuhwa chitambi masikati machena. Musi iwoyo pane zvaunoita munharaunda yeVID wobva wazobudwa newe kana wataridza hunyanzvi.
Mhedziso:
Mazvionaka kuti kutora chitambi inyore kana watevedzera gwara. Kana ukanzwa imwe nzira yakasiyana neiri pamusoro iyi CHENJERA. Unogona kunge wasangana nana“kakara kununa hudya kamwe.” Musi waunozoburitsa chitamba ichochi vana Mugaradzakasungwa vanokusunga. Unoorera mujeri gore iroro.
* Ernest Muchena ndimazvikokota wekudzidzisa kudzivirira tsaona pamugwagwa ari zvakare mutauriri weTSCZ. Pamusoro pezvo, ndiProduct Development and Marketing Manager uye anokwanisa kubatika panhamba dzinoti 0772 110 898. WhatsApp 0716 000 507 kana padandemutande rinoti [email protected]




