‘Kutukana, mhirizhonga zvanyanya paSocial Media’

Munyori weZimpapers

MUTEVEDZERI wegurukota rezvemishina yekufambiswa kwemashoko, posvo nedzinhare — VaDingumuzi Phuti — vanoti Zimbabwe yakatarisana nekuwanda kwenyaya dzekutukana, mhirizhonga nekushandiswa kwemashoko anombunyikidza vamwe nezvimwe zvinokuvadza pamadandemutande, izvo zviri kuwedzerwa nekutsvagwa kuri kuitwa mari pachishandiswa Social Media.

Vachitaura mudare reSenate nemusi weChina chadarika, VaPhuti vanoti mari inowanikwa kuburikidza nedandemutande rakadai seTikTok iri kurunzira vamwe vanhu kuti vatumire mashoko anotsamwiswa kana kukuvadza senzira yekukwezva vateveri vakawanda.

 

Vanocherechedza kuti Zimbabwe yakatora matanho nekukasika ekusimbaradza kuchengetedzwa kweveruzhinji kuburikidza nekushandiswa kwedandemutande.

 

“Zimbabwe yakatora matanho nekukasika ekusimbisa chengetedzo padandemutande.

 

“Zimbabwe imwe yenyika zvakare dzakadzika mutemo weData Protection Act muna2021,” vanodaro.

 

Pamusoro pezvo, VaPhuti vanoti nyika yakadzidzisawo vashandi vanoona nezvekuchengetedzeka padandemutande avo vanozivikanwa nekunzi Data Protection Officers, rinove danho risati ranyanya kukurumbira mudunhu reAfrica.

 

Vanoti zvisinei nematanho aya, vagari vakawanda vemuZimbabwe havana ruzivo nekodzero dzavo uye kuchengetedzwa kuripo pasi pemitemo.

 

“Vanhu vedu havana ruzivo rwezvinodikanwa kuitwa kana vachinge vambunyikidzwa padandemutande nezvimwe zvinodyidzana neizvi,” vanodaro.

 

Vanodoma TikTok sedandemutande rinoshandiswa mashoko ezvinyadzi asingakodzere zvachose, kunyanya kuvana.

 

VaPhuti vanokurudzira kuti patorwe matanho ekuona kuti mitemo iripo maringe nekuchengetedzwa kweveruzhinji yatevedzerwa uye vanhu vopihwa chenjedzo pamusoro pekodzero dzavo mukushandiswa kweSocial Media.

 

“Hatingave nharaunda inongoitwa zvose zvose uye inotendera kushandiswa kwemutauro unombunyikidza kana kutuka,” vanodaro.

 

Vanotsinhira kuti bazi ravo rave kupedzisa kugadzirudza gwaro rinoda kunzi rizove mutemo reChild Online Protection Bill, iro rine chinangwa chekusimbaradza mitemo yekuchengetedzwa kwevana padandemutande.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×