PACHIVANHU, mudzimai kana murume akashaya mbereko anonzi anofanirwa kuuchikwa nenzira dzakasiyana uye vamwe vanosvika pakudyiswa kana kuitiswa zvinhu zvinoyera zvakaita sekukabira tsvina mukanwa nechinangwa chekuti vaita vana.
Mune imwe nyaya iri mupepanhau rino, kune madzimai maviri vekuHighfield, muHarare, avo vari kuti vakasvika pakunwiswa ropa ravasingazive kuti nderei apo vaitsvaga kuuchikwa nemumwe muporofita wekuMt Darwin. Chinangwa? Vaitsvaga kubata pamuviri.
Izvi zvinoratidza kukosheswa kunoitwa kuuchika patsika nemagariro evanhu uye kuti kune vamwe vanotenda kuti izvi zvinoshanda.
Kwayedza yakaita ongororo pamusoro petsika iyi ikanzwa mavhu nemarara.
Kune vamwe vanoitiswa zvakaoma, vanonanzviswa kumashure kwembwa inenge ichitevera senzira yekuuchikwa kuti mukadzi abate pamuviri.
Nekuti, pamagariro edzimwe mhuri, mudzimai akaroorwa otadza kuita mwana haaridye rinopisa. Anogona kutorambwa sezvo hama dzemurume dzinenge dzongobvunza kuti, “Nanhasi haasati ava nechinhu muroora uyu?”
Ndizvo zvinozoita kuti munhu atsvage kuuchikwa.
Vamwe vanouchikwa kana vachinge vachingobara vana vasikana kana vakomana bedzi. “Vanosandurwa” nyoka kuti vabereki vana verumwe rudzi, seanenge achingoita vakomana obva azoita vasikana zvichidaro.
Sekuru Josamu Makokotela (69) vekuBudiriro 4, muHarare, vari murapi wechivanhu vanoti vanhu vane matambudziko embereko vanokwanisa kuuchikwa vagoita vana.
“Murume kana mukadzi anogona kuuchikwa kana vachinge vatora nguva refu vasina kuita mwana zvisinei nekuti vanenge vari kuita bonde nguva nenguva. Kana vanhu vakatora gore kana makore maviri mukadzi asina kuita pamuviri ivo vasina dziviriro yavari kushandisa, zvinoreva kuti pane mikana mikuru yekuti panenge paine chikonzero chiri kusakisa izvozvo, ndipo patinouchika,” vanodaro Sekuru Makokotela.
Vanoti vanoshandisa mishonga yechivanhu mukuuchika.
“Hongu tinonzwa kuti kune vamwe varapi vanodyisa vanhu weti kana tsvina yembwa vachivanhanzviswawo kumashure kwadzo, kudyiswa tumbwanana tusati twasvinura kana ivhu repabhawa. Isu tinoti handi marapiro akanaka iwayo nekuti zvinokonzera zvirwere.
“Zvakare kana tichiuchika tinoshevedza vanhu vaviri vanoti murume nemukadzi tovaongorora vose toona kuti dambudziko riri kunani, kwete kuti vanhu vanenedzerane kuti ndiwe, ndiwe. Dzimwe dzenguva vose vari vaviri vanogona kunge vachida kuuchikwa saka tinogeza chibereko chemudzimai nemushonga tovakurudzira kuti vadye chikafu chinovaka muviri nekuvapa mishonga yemusana,” vanodaro.
“Ndinokurunga bota randinosanganisa nemishonga ndovapa. Vamwe vanouya vaine pamuviri vachida kuti ndisandure vana kuti vaite vakomana kana vasikana, ini ndinozvikwanisa asi zvinofanira kuitwa pamuviri pasati pasvika mwedzi mitatu kureva kuti mwana asati atangisa kuumbwa.”
Sekuru Makokotela vanoti mudzimai vanomupa mushonga wekuti mazai ake asimbe uye chibereko chisarase mbeu apowo murume anopihwa mishonga yekuti mbeu isimbe.
“Kune mamwe madzimai anoti kana vapedza bonde vanorasa mbeu yababa zvinenge zvichireva kuti chibereko chinenge chakashama nokudaro hachikwanisi kutakura mwana. Vamwe vacho vanobata pamuviri pachibva pabva nekuda kwedambudziko iri saka tinovapa mishonga yekuti chibereko, chichengete mbeu kusvika padzinochochonywa dzichiumba mwana.”
Sekuru Makokotela vanoti kune vamwe vanhu vasingakwanise
kuita vana zvachose nekuda kwemazvarirwo avo. “Kune vamwe vanhu vanotozvarwa vasingakwanisi kuita vana zvachose nekuti vanenge vasina mazai acho mumuviri wavo, chero vakadya mishonga yerudzii hapana chinobuda.”
Vanoti vabereki havafaniri kuregedza guvhu remwana richidonhera panhengo yake yesikarudzi nekuti ndezvimwe zvezvinokonzera kuti azokundikana kuita mbereko mukukura kwake.
Mai Praise Zumbureni (23) vekuChitungwiza vanoti muroora wavo akanonoka kubata pamuviri akazonouchikwa kuchechi yepositori nevamwe madzibaba.
“Muroora wangu akange atova nemakore mashanu asina kubata pamuviri. Akamboenda kuzvipatara zvakawanda uko aipihwa mapiritsi ekuti abate pamuviri (fertility tablets) asi zvakakona n’anga murapwa achida.
“Akatozonobatsirwa nevamwe madzibaba vari kuMufakose vanove vakamuuchika nemvura yemunamato achibva abata pamuviri,” vanodaro.
Mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vari zvakare murapi wechivanhu, Sekuru Friday Chisanyu vanoti pane zvikonzero zvakasiyana zvinoita kuti mudzimai akundikane kubata pamuviri.
“Murume kana mukadzi anogona kutadza kuita mwana nekuda kwe”sare” rinova kanyama kanomera nechekumashure kana kuti panhengo yesikarudzi kakaita kunge muswe uye kanovava. Kanyama ikako kanoita kuti munhu atadze kubata mimba zvachose kana ari mukadzi kana kuita vana vanofira mudunhu. Vamwewo vanogona kutadza kubata pamuviri nekuti nguva yavo yekubereka inenge yapfuura (menopause).
“Vamwewo vanotadza nekuda kwekuti vanenge vakazvarwa zvakadaro, kuroyiwa kana mweya yetsvina inenge ichida kuti wanano iparare.”
Sekuru Chisanyu vanotizve kana kuri kuroyiwa, kuya kwekuti munhu anenge akanokorwa tsoka nemuvengi akasungwa chibereko chake kuti chisabate vana, anogona kurapwa kuchivanhu achizokwanisa kuita vana.
“Kune vamwewo vanogona kunge vachifunga kuti vari kuita bonde nevarume vavo nyambisirwa vanenge vachiitwa mubobobo kana kuitwa madzimai nezvikwambo, izvozvo zvinokonzera kuti vasabate pamuviri nekuti vanenge vasiri kurara nemunhu chaiye.
“Saka panguva yekuuchika tinotanga tahaka mhepo dzose dzakaipa todzibvisa pamunhu, tozomupa mishonga nekuti chero munhu akapihwa mishonga yekuuchika iyo mhepo yezvikwambo iri paari, hapaite shanduko,” vanodaro.
Vanokurudzira varapi vechivanhu nevamachechi kuti kana vaona vasingakwanise kubatsira vanhu vanenge vauya kwavari, ngavavaudze chokwadi vovakurudzira kuti vaende kuzvipatara.
“Kana varapi muchinge maona kuti mazvitadza, pfuudzai varwere kuzvipatara nekuti ndiko kune michina inogona kuvheneka zvimwe zvamusingakwanisi pane kuti munogona zvose.
“Varapwa fumuraiwo kushungurudzwa kwamunoitwa nevarapi kumapurisa kana kusangano rinomiririra varapi, reTraditional Medical Practitioner’s Council (TMPC).
“Ngatiuchikei varwere vedu nemishonga kwete nekuita bonde navo, imhosva inoendesa munhu kujeri.”



