Tava kukoshesa Maths neScience : Gandawa

HURUMENDE ine chido chekuti zvidzidzo zvinobatsira mukusimudzira upfumi hwenyika zvakaita seMathematics neScience zvive zvinoitwa nemudzidzi wose kubvira kupuraimari kusvika kuyunivhesiti.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMashonaland Central, Senator Damain Diamonds Mumvuri nguva yadarika.

Sen Mumvuri vaida kuziva kana uri mutemo weHurumende wekuti mudzidzi wose anoda kuita zvidzidzo payunivesiti ange akabudirira pabvunzo dzeMathematics neScience paO-Level.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×