ZVIKORO ZVAKAITA ZVINOROVA . . . Mandedza, Longrange neB&P hutu nemibairo

ZVIKORO zvinoti Mandedza High, B and P neLongrange Primary izvo zviri kwaSeke svondo rapera zvakapembedzwa nekupihwa mibairo zvichitevera kukunda kwakaita vadzidzi vazvo mubvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council dzeGrade 7 neO-Level dzegore rapera.

Zvikoro izvi zvakapihwa mibairo inosanganisira mikombe pamabiko akaitirwa kuBeatrice High School.

Mandedza High ndiyo yakakunda zvikoro zvose zvemudunhu reSeke pabvunzo dzeO-Level apo vana vepo vakabudirira nechikamu che82%, B and P ndokubudirirawo ne97 % paGrade 7 ichiteverwa neLongrange Primary iyo yaive ne92%.

Gore rino Mandedza High School ndiyo ichapihwa mubairo weSecretary’s Merit Award.

Vachitaura pachiitiko ichi, District Education Officer weSeke, VaTapfumanei Matimbe, vakarumbidza zvikoro zviri kushanda nesimba mukusimudzira dzidzo.

“Munyaya dzedzidzo muno maSeke, tiri kuzama hedu, zvikoro zvinoti Mandedza, B and P neLongrange zvakadadisa gore radarika.

“Takamirira kunzwa kuti tichaita rinhi mabiko ekupemberera mubairo weSecretary’s Merit Award uyo uri kuenda kuMandedza,” vakadaro.

VaMatimbe vanoti mudunhu ravo mune zvikoro 71 asi zvizhinji zviri kuda kuvandudza uye itarisiro yavo kuti pave nerutsigiro kubva kumapoka akasiyana.

Vanoti vamwe vadzidzi vanobva kunzvimbo dzakaita seBuma-Bangala, avo vanofunda paDangarendero Primary, vanoyambuka rwizi rwune makarwe izvo zvine njodzi kuupenyu hwavo nekudaro bazi ravo riri kushingaira kuti zvikoro zvive zvakaringana nehuwandu hwevana mudunhu iri.

“Nyaya hombe ndeyekuti tiri kuti Hurumende ngaitivakirewo zvimwe zvikoro mudunhu redu. Vabereki, kuburikidza nemaSDC, vari kuedza nepavanogona asi nekuda kwekuoma kwakaita nyaya dzeupfumi munyika, zviri kuvaremerawo.

“Tine vamwe vana vanoenda kuchikoro vanoyambuka rwizi rwune makarwe. Saka pakavakwa zvimwe zvikoro dambudziko iri rinogona kugadziriswa,” vakadaro VaMatimbe.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×